‘Ndinozvamburwa nemukadzi wepaWhatsApp’

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Ndinozvamburwa  nemukadzi  wepaWhatsApp’

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
SAMUSHA vekuti vanogara vachioneswa ndondo nekuzvindikitwa zvose nemudzimai wavo neshamwarikadzi yavakarambana nayo vakazopotera kudare vachiti upenyu hwavaomera.

Tafadzwa Mutongo akamhan’arira Lucia Kamatowo kuHarare Civil Court achiti anogara achimurova, kumutuka pamwe nekuroverwa mukadzi wake.

“Changamire, ndapotera kudare rino kuti nditsvage dziviriro kubva kune mukadzi uyu. Akanga ari shamwarikadzi yangu yandakatanga kudanana nayo paWhatsApp nekuda kwekuti ndiye akanga akandipfimba. Akandimanikidza kurara naye mushure mekunditumira meseji achiti aitoda mwana neni pedzezvo achibva anditorera mendenenzi yaaida kuti ndibhadhare $600. Saka pandakangomuti mari yacho ndinoiwanepi iwe uchiziva kuti handisi kushanda akabva andirova pamberi pevabereki vangu.

“Akanga ave kugara achiuya kumba kwedu achindirova pamwe nekunditukirira kusvikira vabereki vangu vaona kuti zvakanga zviri nani kuti ndimbobva pamba. Asi zvisinei, anosvika achirova mukadzi wangu. Ndave kutonyara kufamba pazere vanhu nekuti anondituka nezvinyadzi zvekuti handigoni kudura pamberi pedare rino,” akadaro Mutongo.

Kamatowo akapikisana nezvakataurwa achiti haasi shamwarikadzi yaMutongo asi mukadzi wake.

“Ishe wangu, handina gwaro randingade kuti murume uyu apihwe nekuti zvingatowedzere kutambudzika kwangu. Nyaya yekunetsana kwedu yakatanga pandakatora mari yemendenenzi. Ndaigara ndichimukumbira mari yekuti ariritire mwana wake asi aindirambira. Pandakangotora mendenenzi ndipo pakatanga matambudziko ese aya.

“Hapana musi mumwe chete wandakamurova kana kumutuka sezvaari kutaura, kutaura kwedu kwanga kuri kwekupindurana sevanhu vakanga vasiri kuwirirana.

“Mwana uyu mwana wake saka handizivi kuti shamwarikadzi yaakasangana nayo paWhatsApp ingaita mwana naye here sezvaari kutaura. Murume uyu nemukadzi wake ndivo vanotogara vachirwa. Akauya kumba achiti ave kuda mhuri yake vabereki vangu vakati aifanirwa kutevedzera zvinotarisirwa pachivanhu chedu.

“Akavabvisira mbatya dzake achivaratidza mavanga aakange apihwa nemukadzi waakanga ainaye. Kutaura kuno vakasiyana, atove nemumwe mukadzi zvakare.

“Chinongonetsa ndechekuti murume wangu ane ruchiva, haadi kuona pane vakadzi vakatsvinda,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akarasa chikumbiro chaMutongo achiti pakange pasina umboo hwakazara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey