‘Ndipe $500, imwe yacho ndinotenga mabanana’

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati anoda $500 yemendenenzi pamwedzi yekuchengeta mwana mumwe chete uye imwe yemari iyi ndeyekutengera mwana mabanana.

Beauty Musanjeya akamhan’arira Tawanda Ziyenge kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana wavo.

“Ndinoda $500 yekuchengeta mwana. Anogara kumusha saka hama dzangu hadzichadi kugara naye vachiti hatingachengete munhu mahara. Saka ndinoda mari kubva kumurume uyu yekuti nditore mwana wangu auye kuzogara kuno kuHarare,” akadaro Musanjeya.

“Ini ndinoshanda muchitoro ndichiwana $100 pamwedzi. Asi mari yacho haikwane kuti ndiriritire mwana ndiri ndoga. Murume uyu ndimuzvinabhizimisi anoenda kunze kwenyika uyezve ane bhawa nebhucha kuMbare.”

Mushure mekubvunzurudzwa namutongi Gamuchirai Siwardi kuti mari iyi aida kuishandisa chii, Musanjeya akati: “Mari iyi $500 ndinoda kutenga hembe, kubhadhara imba inogara mwana, kutenga mbatya dzemwana, kumuendesa kuchipatara pamwe nekumutengera mabanana.”

Ziyenge akapokana nezvaitaurwa naMusanjeya achiti: “Taimboshanda tose muchitoro chababa vangu uyezve ndimo matakadanana. Zvose zvaari kutaura zvaiitika mazuva ataigara tose saka iye anofunga kuti ndiwo mawaniro andichiri kuita mari.

“Handisi muzvinabhizimisi asi kuti ndinototumwawo nevamwe kuti ndivahodhere doro nezvimwe zvakadaro ndichiwanawo $1,80 chaiyo pazuva. Ndakapedzisira kuenda kunze kwenyika tichiri kugara tose.”

Akati mushure mekunge vanetsana, Musanjeya akatakura midziyo yose yemumba nembatya dzake.

“Akabuda pamba achienda kuchikomba chake mupurisa uyo anova akamufurira kutaura mari yakawanda kudai,” akadaro.

Mutongi Siwardi akati nyaya yevaviri ava idzoke zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey