Uncategorized

Ndiri kuona mhuno yesvosve

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

UNOGASHIRA mameseji mangani eWhatsApp pazuva? Une maGroup mangani anokutumira zvinhu?

Kangani kawakambotumirwa mavhidhiyo kana mapikicha akakutyisa kana kukutambudza kwemazuva akawanda?Pazvinhu zvese zvinopinda pafoni yako, ndezvipi zvekuti kana ukasawana unganzi warasikirwa zvikuru?

Foni imhando yechechi iri kutsvaga vanhu vanonamata zvinhu nemakuhwa, asi chechi iyoyi haina denga.

Kana ukatengesera kuMupedzanhamo, noise hachisi chinhu chinokukanganisa. Kana ukagara pamusika saMai Mishi, mutauro wako unopedzisira wave wekuonererwa nekushaudha. Kana ukagara panoungana ana hwindi, mukanwa mako munopedzisira mafumuka sembwa isingazive pekurutsira.

Tarisa uone kubatwa kwataitwa njere zvekuti vanhu tave kugara takatsikitsira tichinamata mafoni, tichingobaya-baya. Mameseji nezvinouya pafoni hazvina zororo, hazvirare. Asi chii chaizvo chiri kumbofambiswa pamashoko efoni iwaya chisingapere?

Hapana chiripo kunge makumbo enyoka. Ndiko kuona madzihwa ari pamhuno yesvosve. Ichokwadi kukurukura hakuna kuipa, asi kana tave kurega kuita zvinhu zvizhinji zvine basa, tichiita zvisina basa takundikana. Chakakosha kwandiri haasi maKikikiki epaWhatsApp kana makwikwi nehama neshamwari ekuita forward zvandaona zvandinakidza.

PaWhatsApp munhu wese ave munyori, mufundisi, mudzidzisi, muparidzi, muchenjeri, muzivi zvichienda zvakadaro. Asi kushama muromo hazvireve kutaura zvisvinu. Kana iko kuve nefoni yekutumira maWhatsApp hausi hupenyu.

Ndakazoti kune mumwe musikana anotengesa mune chimwe chitoro, “Wave kumisa vanhu vari kuda kubhadhara uri paWhatsApp, asi kuti iwe uwane pay yako hunge vanhu ivava vatenga.” Haana kana kumboita nyadzi, akabva anditi, “Pane chat iri kuda kutopindurwa izvozvi.”

Ini semunhu handigone kukuita kuti iwe urege kutumira nekugashira mameseji anouya achimhanyidzana kunge makombi, asi uri kuonawo here kushandisana mahara kuri kuitika? Tave vanhu vanogara vachiverenga.

Ndingati hapana imwe nguva muhupenyu hwedu yatakamboita vaverengi nevanyori senguva ino yatiri.

Asi tiri kuverengei, tiri kunyorei? Uye kana taverenga tiri kuita vanhu vanoziva nekugadzirisa matambudziko avo here?

Hupenyu hwedu huri kupfuura. Haasi mabhora ese anopotserwa kwauri anofanira kugamhwa. Ziva kuti masecrets, makuhwa nemanyepo anofamba paWhatsApp anofendesa nyangwe Satani. Chatiri kunyatsoda chaicho chii paWhatsApp?

Tiri kutsvaga shamwari here? Tiri kutsvaga kudiwa here? Tiri kuda kungoramba tiri in touch zvedu here?

Asi unozviziva here kuti kana ukaramba uchifamba nembavha, uchasvika pakumira nayo, wozopedzisira wagara nayo!

Ini ndaneta nezveWhatsApp neSocial Media nekuti ndiri kuona hunhu hwevazhinji huchimomoterwa nenhunzi. Ipo paWhatsApp apa, pazara vanhu vave kutsvaga kukwana-kwana muzvinhu zvavasina ruzivo nazvo zvekuti vanopedzisira vakonzera kurasika kunotyisa.

Kana uchida runyararo, imbobva paWhatsApp uone.

Uchaona kuti nyika haigume nekuti hausisipo. Ipapo uchaona kuti WhatsApp ine ruzha rwunonyangadza.

Handisi mupurisa wehupenyu hwako, asi ndiri kufunga nguva inopera tiri mumarara. Vamwe ndipo pavanenge vachiti, “Nguva imari.”

Ini ndine zvinhu zvandinoziva zvinobhadhara kudarika kuverenga nekupindura maWhatsApp meseji. Jesu paakashanyira Martha naMaria, Maria akagara pasi akateerera zvaidzidziswa naJesu, asi Martha akanga ari mushishi rekubika nekusuka nekutsvaira.

Martha paakaenda kunotaurira Jesu kuti Maria andisiya ndichifondoka ndega nebasa, Jesu akapindura Martha kuti, “Martha, Martha, unonetseka nezvinhu zvizhinji, asi chinhu chimwe chete ndicho chine basa. Maria asarudza chiri nani uye chaasingazotorerwa (shoko raMwari).”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey