Ndiri kutamba yese-yese: Mambare

22 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Ndiri kutamba yese-yese: Mambare Masimba Mambare

Kwayedza

Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wemaWarriors, Dynamos FC, Highlanders neMotor Action Masimba Mambare uyo akasendeka shangu dzake dzenhabvu gore rakadarika anoti iye zvino ave kungoita “yese-yese” kuti ararame muhupenyu hwake.

Mambare mutambi aitarisirwa zvikuru kubva kwaari asi haana kuzokwanisa kusvika kure nemutambo uyu sezvo akange ave kugara akakuvara panguva yaaitamba bhora.

Muchinda uyu paaitamba nhabvu airakidza kuti chipo chaive chizere maari izvo zvakamuona achimbomirira nyika kumitambo inosanganisira Africa Nations Championship (CHAN) mugore ra2014 uko akanetsa zvikuru.

Akapotsa nepadiki ahwina zvakare mubairo waSoccer Star of the Year mugore ra2012 unove wakazotorwa naDenver Mukamba apo aitambira Dynamos.

Kubva kwaakaita kuHighlnders achienda kuDeMbare, zvinhu hazvina kunyatsomufambira zvakanaka izvo zvakamuona achipedza nguva ndefu asingatambe nhabvu achirapwa kukuvara kwaakange ave kugara achiita.

Mamiriro ezvinhu aya akambotuma vanhu vazhinji kuti vataure kuti anoita semunhu akange apihwa munyama nevatsigiri veBosso zvichitevera kubva kwaakaita kuchikwata ichi achienda kuDeMbare.

Achibva kuDeMbare, Mambare mumazuva ake ekupedzisira akatambira Black Rhinos apo akazosendeka shangu dzake dzenhabvu. Mambare, uyo pari zvino ari kugara kuKwekwe, anoti ari kuita “yese-yese” kuti ararame.

“Mazuva ano ndave kuKwekwe kumba kwedu ndiko kwandiri kugara. Ndiri kungoita hangu yese-yese kuti tirarame sezvo handichatambe nhabvu. Chikuru kurarama uye mhuri inoda kuchengetwa,” anodaro Mambare.

Kwayedza yakaedza kumubvunzisisa kuti kuKwekwe kwaari uku asi ave kuitawo zvechikorokoza here sezvo nzvimbo iyi inozivikanwa nenyaya dzemakorokoza, iye ndokuti, “Ndiri kungokiya-kiya ndiri muKwekwe, chamuka inyama. KuKwekwe ndiko kumba kwedu saka ndiri kungotenderedza madhiri anenge angomuka kuti ndikwanise kurarama.”

Muchinda uyu haana kuda kubuda pachena kuti achadzokera mune zvenhabvu here kana kuti kwete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey