Uncategorized

‘NDIRI MUKADZI WAJESU’

31 May, 2019 - 00:05 0 Views
‘NDIRI MUKADZI WAJESU’ Madzimai Junior vachiratidza rukarwa rwavakazvicherera

Kwayedza

Kingstone Mapupu
‘MUCHINDIONA kudai, ndava mudzimai waJesu .  .  .  murume wangu ndakatomugova kumumwe mukadzi, zvose nenhumbi dzangu ndichiri mupenyu.

“Hazvina basa kuti ndange ndakaroorwa nemurume uyu kubva 1980, ndakamugovera kumumwe mukadzi mugore ra2004. Apa takanga taita vana gumi nevazukuru vakawanda, ndokubva ndazotorwa kuva mudzimai waJesu . . .”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemumwe mudzimai wekuMhondoro — uyo anozviti muporofita zvekare ari n’anga.

Mukadzi uyu anoti akatora danho iri mushure mekunge arotswa “namwari” wake achimuti asiyane nemurume wake, ozvitemera rukarwa rwepaachazovigwa kana afa zvose nekugova nhumbi dzake dzose achiri mupenyu.

Asi nhoroondo yaJesu Kristu iri Mubhaibheri inoti Mwanakomana waMwari uyu haana kumbobvira aita mudzimai.

Sanganai naMadzimai Junior Nzuwa (71) — avo vanogara mubhuku raMugari, kwaChivero — uye vanoti vanamata chechi dzinosanganisira Salvation Army, Holy Apostolic Church neJohane Masowe weChishanu, asi vachiguma vatandaniswako nekuda kwengirozi inosvika pavari inonzi Tabitha iyo yavanoti inodurira vanhu chokwadi chezvavanoti zvichivasiya vovengwa nemamwe maporofita.

Zvisingawanzoitika mutsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe, Madzimai Junior  vakazvitemera rukarwa rweguva ravanoda kuzovigwa, ndokutakura mazitombo ekuzovharisa guva racho kana vazofa.

Mukadzi uyu ari kugara achitsvaira nzvimbo iyi zuva nezuva.

Pamusoro pezvo, anoti akapa murume wake mvumo yekuti afana azvitsvagira mumwe mukadzi waanoda iye asati afa uyewo midziyo nezvipfuyo zvake akatogovera kuhama dzake.

Kutema rukarwa kunoitwa kana munhu afa, apo hama yake yepedyo inotema nebadza kana nepiki kamwe chete panzvimbo yavanoda kuti ivigwe mufi.

Tsika iyi haiitwe munhu achiri mupenyu, asi kuti afa uye zvinoitwa nehama dzake sababa, hanzvadzi, tete, vakoma kana vani’ina avo vane mutupo mumwe chete nemufi.

Zvino mudzimai wekuMhondoro uyu akafunga kubva agara azviita iye mbune achiri mupenyu — ndokubva agova murume wake sezvo iye achiti ava mukadzi waJesu.

“Handina kumuramba, asi kuti ndakaita zvandakaudzwa kuhope na’mwari’ wangu, kuti ini ndava mudzimai waJesu,” anodaro.

Nzvimbo ichaiswa guva iyi iri kumabvirazuva kwekirawa inonamatira Madzimai Junior apo vakaisa dombo rinoratidza kuchaiswa musoro wemutumbi wavo.

Madzimai Junior vanoti vasati vazvitemera rukawu rweguva ravo, vakaziviswa na”mwari” kuburikidza nehope kuti vatange vagova pfuma yavo yose, kusanganisira murume, “izvo ndakaita kare”.

“Zvose zvandinoita ndinotungamirirwa naMwari wangu, hope ndiwo musimboti weupenyu hwangu. Ndakatotema rukarwa rweguva rangu, matombo ndikaunganidza ekuzovarisa pamusoro.

“Ndinotsvaira nzvimbo yeguva iri mazuva ose, hapadiwe tsvina senzvimbo ichavigwa mutumbi wengirozi Tabitha agere pandiri.

“Ndakatanga nekuudzwa na’mwari’ kuti ndigove zvinhu zvangu zvose, kusanganisira murume ndakamugova ndichiri mupenyu zvekuti hatichaita bonde tose nekuda kwa’mwari’. Akamboda kutora muzukuru wangu apo ndakamusunungura akazoroora mumwewo mukadzi uyo waava kugara naye kuChegutu,” vanodaro Madzimai Junior.

Vanoti vakagova zvimwe zvinhu zvavo zvinosanganisira mombe, mbudzi, ndiro, mapoto, zvipunu, magumbeze nembatya.

“Ndakagovera zvose kuhama dzangu kwaGopfa nekuvatorwa ndikanzi ndisare nemachira chete, ayo andakasonesa mbatya nemamwe andinofuga. Ndine tsaka nhatu dzandinoshandisa umo ndinobikira nekurara nekuchengetera zvinhu zvangu dzinomirira hutatu hutsvene hwa’mwari’ uyewo mireza yamunoona iyo kureva kuti inzvimbo yemunhu mukuru,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Ndakafamba mativi mana ndichirota hope ndichitsvaga akafanana neni ndakamushaya. Kuzvitemera rukarwa uku isarudzo ya’mwari’ wangu.

“Mutumbi uri pandiri uyu wakafa kare, wakangotakura mweya wengirozi uchimirira kuti panozobva ngirozi ino wozongoendeswa muguva randakasarudza iri.”

Madzimai Junior vanoti mutumbi wavo uchavigwa usina bhokisi asi wakangoputirwa nemachira.

“Chandinotenda ndechekuti aiva murume wangu Goodman Matonhodze, akazvitambira, iye ndikamugova sembatya dzemufi achibva azobuda mumba akanoroora mumwe mukadzi. Takaita vana gumi asi vaviri vakafa, vamwe vana ndinogara navo pano — vasikana vakaroorwa, vakomana vakaroorawo. Tinewo vazukuru vakawanda.”

Mudzimai uyu anoti paakatanga kusarara nemurume wake, akarota achinzi ava mudzimai waJesu.

“Hope idzi dzauya kuti ndava mudzimai waJesu, ndakabvunza nyaya yebonde ndikanzi murume wako uchamugova senhumbi izvo ndakaita. Handina kumuramba, ndakamugova uye izvi zvakaitika tapedza kubereka. Takaroorana mugore ra1980 ndokuzomugova mugore ra2004,” vanodaro.

Madzimai Junior vanoti tsaka dzemapango nhatu dzavakavaka vakaitawo dzekurota vachinzi vadzivake ndimo muchasvikira ngirozi.

Vatori venhau pavakakumbira kusvika pakacherwa rukarwa rweguva iri, vakanzi vabvise shangu dzavo nekusiya nharembozha zvichinzi nzvimbo iyi inoyera.

Apo munyori uno akazokumbira zvakare kupinda mutsaka nhatu dzepakirawa iyi, mudzimai uyu akatsika madziro achiti munopindwa chete nevanhu vari musvo uye vakamonera machira.

“Kana uchida kupinda mudzimba idzi mwanangu, kurura mbatya dzako dzose usare uri musvo wochipinda zvako. Asi zvaunonosangana nazvo ndezvako wega. Kana wada wozodzoka uine machira matsva mamita mana, wobvisa hembe dzako dzose wopfeka mufoyi, wozopinda,” vanodaro.

VaSilent Kaseke (43), vanova gurokota uye mupurisa waMambo Chivero, vanoti magariro emudzimai uyu anoshamisa.

“Shoko rakasvika kuno tichinzi amai ava vakazvicherera guva ravo ravanogara vachitsvaira, zvimwe chete kana vakatozvitemera rukarwa, kuzvicherera guva kwakare. Tinoda kunovaona tigovashevedza kudare redu, uku kutyora mitemo yepasi,” vanodaro.  Mambo Chivero VaBrown Shopo vanotiwo havarambidze vanhu kutevedza zvitendero zvavo asi zvimwe zvacho zvikadarikidza.

“Kuzvitemera rukarwa kana kuzvicherera guva pachivanhu hazvibvumidzwe. Amai ava tinoda kuti vaunzwe kudare tinzwewo pfungwa dzavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey