‘Ndiri musvuu, handina mari yacho’

15 Feb, 2023 - 00:02 0 Views
‘Ndiri musvuu, handina mari yacho’

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare, uyo anoshanda mubindu (garden), anoti haakwanise kuchengeta vana vake vaviri nekuti basa rake harimupe mari yakawanda.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Colleta Chigwida akamhan’arira Simbarashe Kalipinde achida mari yekuriritira vana vavo.

Chigwida anoti anoda kuti Kalipinde achengete vana vavo uye nekuvabhadharira mari yechikoro.

Achipawo divi rake, Kalipinde anoti ari kuremerwa nekuchengeta vana vake vaviri sezvo kubasa kwaanoshanda achingotambiriswa $50 000 chete pamwedzi.

“Ndine mumwe mwana wandakazoitawo anoda kuchengetwa neni uye ndinotambira $50 000 chete sezvo ndiri garden boy,” anodaro Kalipinde.

Mutongi Ayanda Dlamini akati Kalipinde abhadhare $30 000 pamwedzi uye nemari yechikoro yevana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey