Uncategorized

‘Ndiri mwana wemakunakuna’

24 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
‘Ndiri mwana wemakunakuna’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ava nemakore 40 okuberekwa anogara kuChitungwiza asi kumusha achibva kwaMambo Neshangwe, kuHwedza, anoti akaberekwa mushure memakunakuna akaitwa pakati paamai vake nasekuru vavo, mwana wehanzvadzi yamai.

Tapiwa Nhavira anoti pane mashoko aitaurwa naamai vake apo aitsvaga kuti baba vake ndiyani.

“Ndaita dambudziko rekuti ndi[1]chikura amai vangu ndava kuda kuziva baba vangu, vakanditi ndiri mwana wemuhondo vakataura zita remumwe murwi wehondo. Ndakafambira nyaya iyi ndichitsvaga ndikavaona zvikabuda pachena kuti vaisava baba vangu,” vanodaro VaNhavira.

Vanoti amai vavo, Mai Sidia Nhavira (60), vakazosandura nyaya vava kuti mwana wekwaChinyekwere, kumhuri iri kuMaware kuNjanja.

“Nyaya iyi yanetsa ndichibvunza baba vangu, amai vakazonditi ndiri mwana wekwaChinyekwere uko ndakaenda vanhu ava vakanonditambira kuchinzi vainzi baba vangu vacho vainge vakafa kare,” vanodaro VaNhavira.

Mhuri iyi inonzi yakasvikoti kana ari mwana weko, havamurase ndokumupinza mumusha.

“Ipapo ndakaita chivanhu chekupotsera dombo paguva remunhu ainzi ndiye baba vangu uyu, ndikazorota munhu iyeye achiuya kwandiri achiti enda kumusha kwako chaiko, ini handisi baba vako.

Nyaya iyi ndakaitaura kuna amai nanasekuru vangu nevekumhuri iyi vakati zvaiva pachena kuti ndaifanirwa kuramba ndichitsvaga baba vangu chaivo.”

VaNhavira vanoti nekufamba kwenguva, vakazorota sekuru vavo — mwana wehanzvadzi yaamai vavo — ainzi Thomas Zinyoro achitaura kuti ndiye baba vavo.

“Sekuru ava vakauya kuhope kwangu vachiti kwaChinyekwere unotsvageiko, uri mwana wangu?

Vakanditi ndibvunze vamwe sekuru vanonzi London Chikepe, avo ndakabvunza vakati inyaya inozivikanwa kuti amai vangu nasekuru vavo vakaita makunakuna ndokubereka ini,” vanodaro.

VaNhavira vanoti vakataurirwa kuti nyaya iyi yakabuda pakusunungukwa kwavo apo amai vavo vakadura vava kutadza kuzvara zvakanaka vakati mwana uyu ndewasekuru wavo.

“Ndakazobudirwa pachena nemadzisekuru kwakaberekwa amai vangu kuti ndiri mwana wemakunakuna. Sekuru Simba nevamwe vakatsinhira nyaya iyi kuti ndiri mwana wekwaZinyoro kwanasekuru vaamai vangu,” vanodaro VaNhavira.

Vanoti vakataurirana nanasekuru vaisanganisira Simba Zinyoro anovawo mwana waThomas Zinyoro. “Chinonetsa amai havadi kunzwa nyaya iyi yekuti vakaita makunakuna nasekuru vavo VaZinyoro vakaita pamuviri pangu. Izvozvi kwese kwandinoenda ndinonzi ziviswa kudzinza rako pachivanhu kwaZinyoro zvinhu zvako zvitambanuke.”

VaNhavira vanoti amai vavo vanovhundutsira kuti nyaya iyi ikataurwa vanogona kuzviuraya nekudaro vanoda kuti paitwe ongororo yeDNA pakati pavo nemadzisekuru kwavanonzi ndiko kuna baba vavo.

“Madzisekuru ose ekwaamai vangu vanoda kuti nyaya iyi ijekeswe asi amai havadi kuzvinzwa,” vanodaro VaNhavira.

Mai Sidia Nhavira (60), amai vemurume uyu, vakataurwa navo panhare neKwayedza ndokutanga kudya marasha vachiti, “Tapiwa ndiye mwana wangu wekutanga, nyaya iyoyi anonetsa nayo yekuti anoda kuziva baba vake. Hongu, ndakamunyepera pekutanga kuti aiva mwana wemuhondo nekuti ndaitya mudzimai waVaChinyekwere avo vakanga vandipa pamuviri. Asi, chokwadi ndechekuti mwana uyu ndewekwaChinyekwere kwandakamuti aende. Kana asingade ngaatsvage baba vake oga.”

Mai Nhavira vanoti mwanakomana wavo ari kuvapesanisa nemadzisekuru avo achitaura nyaya yemakunakuna iyi.

“Nyaya iyi iri kunetsa, ndakatadza kuchema amai vangu nekuda kwenyaya iyoyi vanasekuru vachida kuziva chokwadi. Izvozvi akabva kuno svondo rakapera tikatukana, anondipumha chipfambi, ndini ndinoziva baba vake kwete iye.

“Pasvika nyaya iyi paomarara, kana achida kutsvaga baba vane motokari ngaatsvage oga, vandakamupa ndivavo,” vanodaro.

Mai Nhavira vanoenderera mberi vachiti, “Kana vekwaChinyekwere vasiri hama dzake akatambirirei half tonne yechibage yavakamugamuchira nayo mumusha iyo akazorooresa mudzimai waainaye izvozvi?”

Asi Mbuya Mashingaidze Sitembile Chirairo (63) vanova ambuya kumhuri yekwaNhavira vanotsinhira kuti murume uyu mwana wemakunakuna.

“Nyaya iyi inozivikanwa, mwana uyu ndewekwaZinyoro kumadzisekuru aamai vake, pakaitwa makunakuna apa. Vanatete vedu VaMandireva ndivo vakasunun[1]gutsa amai ava vaine munin’ina wavo akareva mwana ava kuramba kubuda kuti nhumbu iyi yaiva yasekuru vake mwana wehanzvadzi yaamai vavo,” vanodaro Mbuya Mashingaidze.

Mashoko avo anotsinhirwawo naVaNelson Jakopo (59), hanzvadzi yaMai Nhavira, vachiti, “Nyaya iyi iripo uye tine hurongwa hwekuti tiungane igadziriswe sezvo pachinzi panoda kuitwa choto pamba paamai vemukomana uyu kouya maporofita anodudzira kuti Tapiwa awane baba vake chaivo vanonzi ndevekwaZinyoro kwete kwaari kuendeswa naamai vake uku. Kana DNA yacho tinoida nekuti nyaya iyi yanetsa.”

Nyaya iyi inonzi haisati yasvit[1]swa kumasabhuku enzvimbo iyi pamwe chete nekudare raMambo Neshangwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey