Uncategorized

‘Ndisiire murume, iwe wachembera’

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Trymore Muvhawa—

NYAYA yekurwira murume pabarika yakaita kuti madzimai maviri ekuEpworth asvitsane kumatare edzimhosva, nyachide achiti vahosi vanofanirwa kuchimusiirawo murume nekuti vachembera.

Maria Matau akamhan’arira mukadzin’ina wake Edina Banda kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Fungai kuti anonditi ndakura, handisisina basa naizvozvo ndinofanira kumusiira murume nekuti iye ndiye achiri kutemwa dzinobva ropa. Mumwe musi akauya kumba kwangu husiku ndokusvikorova gonhi richibva ravhurika, panguva iyoyo anenge achingopopota.

“Anopopota achiti ndichamusiya chete murume iyeye, ndisingadi ndichida, uye anoti achatozogara naye pamba pangu ipapo. Musi wakatevera wacho akandihwandira munzira ndichibva kunotenga chikafu ndokutanga kundituka,” akadaro Matau.

Banda akabvumirana nemamwe mashoko akataurwa naMatau kunyangwe zvavo akati pamwe pacho ainyepera dare.

“Hongu, amai ava ndinombotukana navo asi panyaya yavataura muno mudare ivo ndivo vaive vanyepa kumurume wavo kuti ndine tsika yekuvafonera uye kuvaisira tsamba panharembozha yavo ivo vachinyazoziva havo kuti vakange vachinyepa.

“Ndakazovafonera ndichida kuvabvunza nyaya iyoyi uye handina dambudziko nazvo kana vakapihwa gwaro rerunyararo nekuti ndagara handitaure navo,” akadaro Banda. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Matau gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey