‘Nditengeserewo mwana’

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe mudzimai anoti aimbove murume wake anoda kuti amutengesere mwanasikana wavo wavakaita vachiri kugara vose.

Tendai Munodawafa akataura mashoko aya muHarare Civil Court uko akamhan’arira Learnmore Tavengwa.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Munodawafa gwaro rinomudzivirira.

Munodawafa anoti Tavengwa ari kumushungurudza nemashoko uye kumurova achiti anoda kuti amutengesere mwana wavo.

Asi haana kutaura kuti anonzi amutengesere mwana uyu nemarii.

“Changamire, baba ava vanenge vava kurwara nenjere nekuti manetsero avari kundiita nenyaya yekuti ndivatengesere mwana wedu musikana handichazvinzwisisa uye zviri kundishungurudza. Anoti ndikasaita izvi ari kuda kundipisira mumba zvose nemwana, naiyewo obva azviuraya nekuti ari kuda kudzoserwa roora rake,” anodaro Munodawafa.

Anoti Tavengwa agara ari munhu anoshusha.

“Zvekushusha akabvira kare, akangogara akadaro nekuti mazuva andaigara naye aiti achibuda anosiya apima chikafu kana zviri zvinoverengeka semabhisikitsi anosiya averenga uye aizodya marasha akasvika zvakamurwa,” anodaro Munodawafa.

Achipawo divi rake, Tavengwa anoti zviri kutaurwa naMunodawafa manyepo.

“Inini ndakabvisa pfuma asi handina kumbobvira ndapihwa mukadzi kuti ndigare naye nevabereki vake, vanoramba naye. Handina kumboti anditengesere mwana asi ndakati vadzimai vauye tigarisane nekuti ndinomuda pamwe nevana, kunyangwe hazvo ari iye anotondirova,” anodaro Tavengwa.

Anoti Munodawafa anouya kumba chete apo paanenge atambira mari yepeyi uye kana yapera obva adzokera kuvabereki vake.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey