Uncategorized

Nditsigei, nditurei isina magumo!

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Nditsigei, nditurei  isina magumo!

Kwayedza

MABASA kuwanda muzvere kurarira tsenza, zvichisetsawo kana mbavha yakahwanda. Gore negore munhu anoramba achingoti, “Gwendo guno hazvikoni!” Kusvika riini? Kusvika madhongi amera nyanga ingori, “Nditsigei, nditurei; Nditsigei, nditurei!”  Asi, zvakanzi hamupindi denga kana mukasatonga Zimbabwe? Kana kuti kuramba muchingozamurira kwamuri kuita, inzira yokutsvaga mari yakadyiwa nechakapedza mbudzi, zvichifungwa kuti icharamba ichingoerera sorwizi Zambezi? Nokuti kuve mubato rinopikisa Hurumende isingadiwi zvachose nenyika dzokumadokero, iindasitiri inoisa sadza mudzimba dzavanhu vakawanda.

Vazhinji vanota neindasitiri iyoyi. Havana shungu nohumaradzi hwavari kuita, asi kana zvavo zviri kuendeka, ndizvozvo!
Hatirovi imbwa takaviga mupini. Tiri pana VaMorgan Tsvangirai, mutungamiri webato reMDC-T. KuState House vanoda kuenda, asi ngavafunge kuti dai MDC yaive kambani inogadzira zvinhu zvinotengeswa zvichipinza mari munyika, dai nhasi ichiripo here kana kuti kwete, uyewo kuti dai yapfumisa nyika here, kana kuiendesa kumawere?

Kubvira mugore ra1999 kusvika nhasi uno 2015 ingori “nditsigei, nditurei”, kwabuda ma“final push” mangani muchingopika kuti “gwendo guno hazvikoni?”

Dai kuri kukonza musikana angatadza kutorwa nemumwe murume here, achingonzi, “gwendo guno hazvikoni?”
Kana iwo maAmericans nemaBritish vanako kunyengedzwa kusina waziva.

Zviri kunzi rwendo rwaVaTsvangirai rwokuAmerica vakauya nenhava izere mhepo, zvakare. Chokwadi nemanyepo azvo zvichabuda mukufamba kwenguva, nokuti tiri kunzwa kuti kuri kurongwa imwe “final push” zvakare. Mwaka usina kuita zvakanaka wave kutopa vanhu basa nokupinza mari muhomwe!

Naivowo vanosunungura homwe dzavo kupa VaTsvangirai vane mamhepo. Dai kuri kuchikoro taiti madofo. Kutadza kuona kuti vari kurasa mari kumunhu nebato risina charinobura, risingadiwe nezvizvarwa zveZimbabwe?
“Shemhu sitereki” yakarehwa nambuya vangu!

Vamwe vachigadzirira mazororo ari kuuya anoti Easter neIndependence, vamwe vari kutsiga nokutura, vakananga kuState House, idzo nhonho mumakumbo dzazara.
Buda mubhasikiti iro!

Vanotondera, vachiri kurangarira mutungamiri wenyika President Mugabe kumusangano wePolitburo gore rapera vachibvunza vaimbove gurukota redunhu reMasvingo, Cde Kudakwashe Bhasikiti kuti: “Why are you in the wrong basket, Mr Bhasikiti?” (Marasika gwara romusangano, zvaita seiko VaBhasikit?)

Cde Bhasikiti vakati, kwete, ndiri kufamba negwara remusangano: “I am consistent, President.”
Asi mutungamiri wenyika havana kugutsikana, vakapamha nokuyambira: “You should get out of the wrong basket. I hear that you are not consistent. Get into the right basket.” (Buda mugwara rawave kufamba naro. Ndinonzwa kuti hausi kutevedza gwara romusangano. Pinda mugwara romusangano chairo.)

Inditsigei, nditurei yakazopedzisira yaita kuti basa ripere. Kutaura kudai, Cde Shuvai Mahofa vavepo panyanga kudunhu reMasvingo. Vakabva vaita mudzimai wokutanga kuve nechigaro ichocho ikoku.

Mukwende anoyeuka VaJob Sikhala vaimbove mutungamiri weMDC99, vakazodzoka kuMDC-T vachibvunzwa pane chimwe chirongwa paterevhizheni mugore ra2002 kuti zvavanobva kumusha kumwe chete naCde Mahofa, vanozvifambisa sei sezvo vari mumapato akasiyana?
VaSikhala vakati zvamatongerwo enyika kubasa. Vave kumusha kwaGutu pamazororo vanenge vari mubhasikiti rimwe chete. Vakatiwo, zvese zvamatongerwo enyika zvinosara kuno Harare nokuti vanoita Cde Mahofa amai sezvo vachiera mutupo mumwe chete weshiri saamai vavo.
Tadzora ndangariro kuti tiyeuchuidzane, Cde Mahofa havasisiri amai chete, asi kuti igurukota redunhu raMasvingo.

Saka nhai VaSikhala, zvatinonzwa kuti bato renyu nemamwe maMDC gumi nefararira muri kuronga imwe “final push”, kana amai (Cde Mahofa) muchavaitirawo “final push” here?
Nyarai mhani imi zvimbwasungata!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey