Uncategorized

‘Ndizvo zvinoitwa nevaroyi’

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
NYANZVI dzechivanhu dzinoti nyaya yevanhukadzi vekwaNheweyembwa, kwaMurewa, avo vanonzi vakafuma vakabviswa zvipfeko zvavo zvemukati izvo vainge vamborara vakapfeka nezvinhu zvisina kuzivikanwa, ine chekuita nemabasa ehuroyi.

Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza, vanoti uhu huroyi hwemhando yepamusoro.

“Nyaya iyi iri pachena kuti madzimai nevanasikana ava vari kushandiswa kuitwa vakadzi nezvidhoma kana zvikwambo, kana nevarume vane mishonga yegondwawaturuka. Kureva kuti vose vanhu ava vakashinhwa navo, nanhasi uno zvichiri kuitika, hazvina kupera,” vanodaro. Vanoti zvipfeko izvi kuzowanikwa kwazvakaitwa musango zvinoreva kuti pane chivanhu chakatoitwa pamwe chete nemhiko dzakaiswa kuvaridzi vazvo.

“Zvipfeko izvi zvinogona kunge zvakanobikwa nemishonga zvichipfekedzwa kuzvikwambo nezvidhoma kuti vakaita izvi vaite mari kana kungoita utsinye hwekuzoda kurwarisa varidzi vemabhurugwa aya. Dzimwe nguva kuti madzimai aya pasazowanikwa anoita vana kana kuita vana vachifa uyewo vamwe vachizotevera kasingaperi,” vanodaro.

Vanoti madzimai akatorerwa zvipfeko vanogona kuzobereka vana vakaremara mitezo uyewo vanasikana votadza kuroorwa.

Vanasikana ava vanonzi kunyangwe vakazoroorwa, vanogona kupota vachirambwa pasina zvikonzero kana kusemwa nevakomana.

Mashoko aMbuya Ried anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (47) vekwaMadondo, kuMt Darwin.

“Kuroyiwa kwakasimba kwakaitwa vanhu ava. Zvinoreva kuti madzimai aya akatomboburitswa mudzimba vakanoshereketwa navo kumakuva nevaroyi vechirume kana kurariswa nevanhu vakafa. Vanogona zvakare kuve vachiitwa zvemubobobo saka vanoda kubatsirwa,” vanodaro.

Madzibaba Enock, VaHerbert Senda (37) vemuHarare, anotiwo musha uyu unoda kuchenurwa.

“Kushaya bhurugwa rawakapfeka zvinotyisa. Zvasiyana chii nekungoerekana usisina gumbo repamuviri wako? Vanhu ava ngavafambe vagadzirise musha wavo, vangafunge kuti zvakapera asi zvinavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey