Uncategorized

NetOne pfacha nezvitsva

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
NetOne pfacha nezvitsva GEORGE MANYAYA

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
KAMBANI yeNetOne svondo rino yakaparura zvirongwa zviviri izvo zvakanangana kurerutsira veruzhinji kuti vakwanise kufambisa mashoko zviri nyore pamwe nekuita mabasa nemabhizimisi avo.

Zvirongwa zvitsva izvi ndezveOne-Fi necheOne-Cliq. Vachitaura pakuparurwa kwezvirongwa izvi, vakafanobata chigaro chemukuru wekambani iyi, VaBrian Mutandiro, vanoti vane chivimbo chekuti veruzhinji vachafarira zvirongwa zvitsva izvi.

“Chirongwa cheOne-Fi chakasiyana nezvimwe zvakaparurwa nekambani yeNetOne pakuti chinobatanidza masai-sai edandemutande kuburikidza nefibre pamwe chete nemasai- sai ekuridza nhare. Takaparura chirongwa ichi nechinangwa chekuda kuzadzikisa zvido zvevatengi vedu avo takaona kuti vazhinji vacho vava kuda kuenda paInternet uye zvakareruka,”

Vanoenderera mberi vachiti: “Takaunza nemutowo weOne-Fi kuti zvive nyore. NeOne-Fi kamuchina katinoshandisa kanokwanisa kuita kuti vanhu vanosvika 32 vakashandise nguva imwe chete vachienda padandemutande kuburikidza nenzira yeWi-fi.

“Kuburikidza neOne-Fi, veruzhinji vanokwanisa kutora zvinhu zvakawanda paInternet zvakaita senziyo, mavhidhiyo nezvimwe nemitengo yakaderera.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaGeorge Manyaya, avo vanoona nezvekudyidzana kwekambani iyi neveruzhinji, vanoti kuburikidza nechirongwa cheOne-Cliq, veruzhinji vanokwanisa kupinda muzvikwata zvinotangira pavanhu vashanu apo vanoenda kunonyoresa kuNetOne kuti vakwanise kufonerana muzvikwata izvi nemitengo yakaderera.

“Vanhu vazhinji vari muzvikwata zvakasiyana-siyana izvo zvinoita kuti vade kukurukura nekuronga zvakawanda. Kuburikidza neOne-Cliq, veruzhinji vanogona kuumba zvikwata zvavo zvinotangira pavanhu vashanu vonyoresa kuNetOne, vototanga kufonerana nemitengo yakaderera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey