Uncategorized

NetOne yosimbaradza masai-sai kuChiweshe

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

KAMBANI inoona nezvenhare, yeNetOne, iri kuenderera mberi nekuvandudza mabasa ayo nechinangwa chekuti veruzhinji vakwanise kufambisa mashoko zviri nyore. Svondo rapera NetOne yakavhura chimwe chiteshi chitsva (base station) kwaShe Makope, kuChiweshe.

Mumashoko avakaverengerwa nemukuru weresearch, infrastructure development and management, VaNewman Nyamhuri, gurukota rezveposvo nedzinhare, Cde Supa Mandiwanzira, vanoti vane chokwadi chekuti vagari vemudunhu iri vachakwanisa kufambisa mashoko pasina zvimhingamipinyi zvichitevera kuvhurwa kwechiteshi ichi.

Cde Mandiwanzira vanoti donzvo ravo nderekuzadzikisa mashoko anogara achitaurwa nemutungamiriri wenyika President Mugabe, ekuti nzvimbo imwe neimwe inofanira kunge iri kufambirana neruzivo rwechinzvino-zvino rweICT.

“Kwemakore mazhinji, tiri kuona mutungamiriri wenyika vachifamba vachigovera makombiyuta nemimwe midziyo muzvikoro zvinova zvinhu zvinofadza kuti kambani yeNetOne iri kuita zvimwe chetezvo mukutsigira kuwanikwa kweruzivo rutsva urwu mumatunhu ose,” vanodaro Cde Mandiwanzira.

Vanoti dunhu iri range ragara nguva refu risina nzira dzekufambisa mashoko nechimbi-chimbi.

“Vagari vemuno vakagara kwemakore mazhinji masina nzira kwadzo dzekufambiswa kwemashoko zvisinei nekuti mune mabhizimusi makuru anosimudzira upfumi hwenyika ekurima.

Nokudaro kurima nekutengeswa kwezvirimwa kuchafambira mberi zvakanaka kuburikidza nekufambiswa kwemashoko sezvakaita indaneti, zvikuru kuvarimi vefodya.”

Varimi vefodya, vanodaro Cde Mandiwanzira, vanokwanisa kuwana ruzivo pamusoro pemhando dzakasiyana dzembeu uye misika yekutengesera.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Ishe Makope, VaJacob Mupirinjanja, vanoti chiteshi ichi chichabatsira zvikuru veruzhinji mukufambiswa kwemashoko.

Nguva pfupi yadarika, NetOne yakaparura zvimwe zviteshi zvemasai-sai kuNyanga South, Mutoko neHurungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey