Uncategorized

Ngatinamate nechirungu kuti zvityise

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

KUNAMATA kuita sei?

Ndiri kubvunza nekuti pane vanoti kunamata kukwira gomo. Kana wasvika panhongonya pegomo, wotanga kushevedzera nekuti Mwari vari kure zvekuti havangatinzwe.

Vamwe havadi kukwira gomo, asi vanotsvaga microphone kuti mazwi avo anyatsoenda kure. Vamwewo vanenge vasina microphone, vanoshevedzera sevari kudzora mombe dzanga dzave kupinda mumunda.

Kana vatanga kushevedzera unonzwa tsitsi nekuti pavanozopedza kunamata izwi rinenge rozhezhera kana kutoshoshoma.

Asika, variko vanhu vakaita saHannah mushoko raMwari vakanzwikwa vachinamata vasingazhambatate.

Varikowo vamwe vanoti kana tichinamata, ngatinamate nechirungu nekuti ndicho chinonyatsoburitsa kuti tiri kunamata zvakasiyana nevari kunamata netsumo nemadimikira vachiti, “Jehovha muri gomo risina ukwiriko.”

Vachinamata nechirungu kudaro, vanopedzisira vave ndivo vana mwari nekuti kwavari, kufaya kwemunato kuri mukufonon’ona mavhoko ese echirungu akahwanda mumapako eduramazwi reOxford Concise Dictionary. Munhu anenge apinda mudumbu rechirungu saJonah mudumbu rehove.

Mumwe akatozosvika pakuti, “God apart from me you are nothing.” Apo aida kuti, “God, apart from you I am nothing.”

Vamwe ndivo vanoti kunamata kunofanira kuperekedzwa nemaskiri nezvidobi. Hazvina kuipa kuve nesimba kana tichinamata, nekuti kunamata wakarera kunge derere kunogona kuti uzovhunduka kuti wanga wakotsira nguvai wakapfugama.

Asi ndinonetseka nevamwe vanofunga kuti kunamata kutuma mwana kuti anamatire sadza. Hazvina kuipa kuti vana vanamate munamato wesadza, “God bless our food.”

Asi hazvinyatsoita kuti vana vave ndivo chete vanonamata panguva yekudya ivo vabereki varipo. Chinhu chakanaka kuti vabereki vanamate kuitira kuti vana vagoziva kuti kana tichitenda Mwari nekuti vatipa zvekudya, tinovatenda nenzira ipi.

Kunamata kunodzidzirwa, asi kwete kuti tingotevedzera mazwi asi tisingarevese.

Vamwe baba vainamatira zvekudya zvemhuri yavo, uye munamato wavo wechikafu wakanga usingachinje zvekuti kana nevana vakapedzisira vave kuuziva. Kunamata kwavo kwakanga kuchiratidza vana vavo kuti nyangwe ndiri baba venyu ndichishanda, uye amai venyu vachibika, neniwo baba venyu ndinotenda Baba vangu vari kudenga vanokomborera nekuropafadza.

Munamato wababa ava waiti:

Jehovha, Baba vangu naBaba vaIshe wedu Jesu

Tinokutendai nekudya kwamatipa nhasi uno

Tinokumbira kuti muropafadze nekunatsa kudya uku

Kudya uku kutigutse, kuvake nekusimbisa miviri yedu

Asi Baba, kana tichinge tadya tikaguta, tisakukanganwei

Tisavimbe nenyama, nenjere, nemari kana nenyika.

Chandinoda kana vanhu vakuru vachinamata ndechekuti kazhinji minamato yavo ine hudzamu.

Chimwewo, kunamata kwemunhu mukuru kunoburitsa pfungwa dzake nemaonero aanoita hukama hwake naMwari.

Kunamata kwedu kuzhinji kunombokanganwa kutenda Mwari. Tinokanganwa kuti nhasi handisi kuenda nezvichemo, asi ndiri kuenda kunotenda. Mwari vanoda hukama nesu, asi kana hukama hwedu navo huri hwekuti isu tinongogara tiri vekukumbira nekutsvaga mari, mabasa, hutano, kubudirira pamwe chete nekuti ivo vaite zvatiri kuda, asi isu tisingaite zvavanoda – panonetsa.

Patinonamata, ngatitaure naMwari seshamwari neshamwari, saBaba nemwana. Hakusi kukwira gomo, kana kukarara kusvika huro yave nemhezi.

Ngatinamate sezvatakadzidziswa naJesu, ngatinamate tichitenda Mwari nekuda kwezvizhinji zvavakatiitira kuitira kuti nevadiki vagodzidza kuti Mwari havanamatwe nekuti tine chatiri kuda kana kuti tine sadza pamberi pedu.

Shoko raMwari rinoti, “Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey