Ngatitsigirei tsiva: Manyuchi

25 Sep, 2015 - 01:09 0 Views
Ngatitsigirei tsiva: Manyuchi Charles Manyuchi akatakurwa nevatsigiri vake vachipemberera kuhwina kwaakaita kuItaly nguva yadarika apo akakunda Gianculla Frezza ndokuchengetedza bhande rake reWBC Welterweight.

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva Charles Manyuchi akakurudzira masangano akasiyana kuti atsigire vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu uye mashoko ake anotevera mutambo weThe Bees Amateur Boxing Tournament uyo waakaronga svondo radarika kuChivhu. Muhurukuro neKwayedza svondo rino Manyuchi anoti akafara zvikuru netarenda raakaona rine vatambi vazhinji vakauya kuzokwikwidza mumutambo uyo waakaronga achibatsirwa nekambani yeMr.T35 inove inomukotsvera.

Anoti munyika ino muzere nevatambi vakawanda vane tarenda asi hapana kwariri kuenda sezvo vazhinji vacho vasina vakotsveri vanogona kuvabatsira kuti vasimukire.

“Svondo radarika pakatambwa mitambo 16 uye takaona vatambi vasere avo vatinofunga kuti ramangwana ravo rakajeka mumutambo uyu. Kana vakawana rubatsiro rwakasimba kubva kuvakotsveri shasha idzi dzichanetsa mumutambo uyu zvekusvika kuita mbiri kudarika ini.

“Ini hangu ndichaedzawo nepandinogona kuti ndisimudzire mutambo uyu nekuti ndiwo uri kundiraramisa uye ndinodawo kuti vamwe vatambi vave nehupenyu hwakanaka.

“Tizere nana(Proud Chinembiri) Kirimanjaro muno asi hapana kwavanoenda kana vasina rubatsiro rwakasimba,” akadaro Manyuchi.
Manyuchi, uyo anove shasha yepasi rose ine bhande reWBC Welterweight, akaenderera mberi achiti acharamba achironga mitambo yekusimudzira vatambi vetsiva.

“Nepashoma pandinapo ipapo ndinoshuvira zvakanyanya kusimudzira mutambo uyu nekuti ndinoda kuona vamwe vatambi vachisvika pandasvikawo nhasi,” akadaro.

Zvakadaro, Manyuchi akagunun’una zvikuru nevaridzi vepembe avo vakauya kuzoridza kumutambo wake achiti vanotungamidza mari kumberi.
Anoti akashevedza varidzi vepembe vanomwe asi vakazouya vakawanda uye vose vaitarisira kupihwa mari naye.

Zvisinei, Manyuchi anoti akakwanisa kubhadhara varidzi vepembe ava vose kusanganisira vaakange asina kushevedza asi akazoshamisika vave kugunun’una vachiti vainge vapihwa mari shoma.

“Isu chatiri kuda kusimudzira mutambo uyu, zvino kana varidzi vepembe vave kutungamidza mari chii chatinoti tiri kusimudzira?
“Ini zvangu handina kufara nazvo ngatishandei tisimudzire mutambo uyu kwete kuda kutsvaga kupfuma,” akadaro Manyuchi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey