Uncategorized

Ngozi yemusikana webasa yobhebha

05 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
Ngozi yemusikana webasa yobhebha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWEYA wengozi yemusikana anonzi aishanda muchitoro chemumwe murume wekwaChigodora ari wemhuri yekwaGwidibira, kwaMutare, unonzi wava kupfuka uchipisa semoto nekukonzera kurwara nekufa kudzinza remhuri iyi.

Nyaya yengozi iyi inonzi yakatosvika mudare raMambo Zimunya uko kwava kutsvagwa nzira dzekuti ingagadziriswe sei.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vanotsinhira nyaya yengozi iyo inonzi ndeyemunhu akapondwa mugore ra1976.

“Nyaya dzengozi dzevanhu vari kumuka mweya yavo kumhuri dzavakapondwa dzakawanda kuno kudunhu rangu.

“Imwe yacho ndeyemhuri yekwaGwidibira, kwaTambawaguta, kwaChigodora, uko kune musikana anonzi aishanda muchitoro achibva azochekereswa uye asina kuzombowanikwa kana mutumbi wake,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti nyaya iyi yakaunzwa kudare ravo uye ichadzoka zvakare nekufamba kwenguva sezvo matare akambomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Vemhuri iyi vakauya kudare kwangu vachichema nekuda kwemweya wengozi yemusikana aishanda muchitoro anonzi akauraiwa, mutumbi wake ukanofushirwa mubindu.
“Takamirira kuti mutemo utibvumidze kuzoungana tiite kuti vacho vanobatwa nengozi iyi vauye titaure nengozi yacho idure zvairi kuda,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mambo Zimunya

Vanoti varume vatatu vemhuri iyi — vanababa vedzinza iri — ndivo vanonzi vakaponda musikana uyu aiva wechizvarwa chekuMozambique.

“Mumhuri iyi vanhu vapera kufa nekurasika njere nekusanganawo nemamwe matambudziko anonzi ari kukonzerwa nengozi iyo iri kudya marasha. Vanhu ava havasi kuwirirana uyewo vamwe vevaviri vapenyu kune vanonzi vakaponda havasi kubvuma nyaya iyi.

“Vane vana vari kubatwa nemweya wengozi iyi nevakafirwa ndivo vakauya kudare uye tichanyora matsamba ekuzoshevedza dzinza rose iri,” vanodaro Mambo Zimunya.
Mai Lillian Mariya (50), vanova muroora wekwaGwidibira, vanoti vakatotama mumusha uyu mushure mekufirwa nemurume wavo nekuda kwengozi iyi.

“Ini ndakafirwa nemurume wangu, Washington Gwidibira, mugore ra2010 uyo akangotanga kuzvimba dumbu apo mweya wengozi iyi waibuda paari. Ingozi yemusikana aishanda muchitoro chevamwe tezvara vedu.

“Mweya uyu waitaura kuti ‘makandiuraya, mukanondicherera mubindu uye mukandibvisa nhengo dzangu’. Musikana uyu anonzi aibva kuMozambique,” vanodaro Mai Mariya.
Dambudziko riripo, vanoti vakuru mumhuri iyi vanonongedzerwa munyaya dzekuponda musikana uyu havabvume kuti vakauraya munhu.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Linda Goredema (40) vanovawo muroora mumhuri yekwaGwidibira vachigara kuBudiriro 2, muguta reHarare avo vanoti vatambura nemwanakomana wavo, John Gwidibira (24) uyo anobatwa nemweya wemunhu akapondwa uyu.
“Ndatambura nengozi inobuda pamwana wangu, inotaura kuti makandipondera chii? Ndinoda kuripwa.
“Mweya uyu ukamubata anobvarura mbatya achimhanya nekukwira pamusoro pedzimba nepamatower lights nekuita zvimwe zvinotyisa.
“Ini ndakasiyana nababa vake, Stuart Gwidibira (51) mugore ra2015 nekuda kwenyaya iyi vachiramba kugadzirisa dambudziko remwana uyu,” vanodaro Mai Goredema.
Vanoti mwana uyu akagumira Giredhi 7 nekuda kwekubatwa nemweya uyu.
“Murume wangu anoramba asi mwana uyu anobatwa nengozi ivo voti imbanje. Hanzi mumusha mavo hamuna ngozi.
“Vacho vari kunzi ndivo vakaponda musikana uyu vanozviramba kunyangwe mumusha uyu makamboitwa matare nekuda kwenyaya iyoyi,” vanodaro.
Mai Goredema vanoti mwana wavo anove wedangwe uyu asvitsa makore masere achitambudzwa nemweya uyu.

“Ndinoda kubatsirwa munyaya iyi, kune vanogona vanoridza nhare dzinoti 0775 405 647 kana 0773 645 556.”
VaJohn Gwidibira pavanotaurwa navo panhare vanoramba kuti mumusha mavo mune mweya wengozi vachiti mwana wavo anorwara netsviyo izvo zvinoita kuti apote achipunzika.
“Mumusha medu hamuna ngozi, mudzimai ane mwana uyo ane manyepo sezvo akanditiza achienda nechikomba. Mwana uyo anorwara netsviyo kwete kuti ingozi.

“Nyaya iyi inotaurwa, asi handizvo. Dai kumusha kwedu kuine ngozi tingadai takapera kufa.
“Ehe, ndakatiza pamusha pandaigara nemukadzi uyu, ainditonga nekuti paiva pamba pevabereki vake. Vanababa vari kumusha siyanai navo, vakura hamugone kutaura navo. Zvamunotaura kuti Mambo Zimuya vanotida, tinonosangana navo kana vatishevedza semhuri,” vanodaro VaGwidibira.

John Gwidibira, uyo anonzi anobatwa nengozi, paakabvunzwa nezveyaya iyi anoti hapana zvaanoziva kana kunzwa asi kuti anozongonzwa muviri wake waneta mushure mekumbobatwa nedzungu.
Mai Tilda Marwa (29), vanogara pamwechete naJohn Gwidibira, vanoti vanobatsirana naamai vemwana uyu kumubata kana ngozi iyi yamubata.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey