Ngwarirai bird flu: Vet Department

22 Nov, 2023 - 12:11 0 Views
Ngwarirai bird flu: Vet Department Bazi reVeterinary Services Department mudunhu reManicaland rakavhura nzvimbo dzekuongorora kufambiswa kwezvipfuyo zviri muchikamu cheshiri zvakadai sehuku kuChipinge nekuChimanimani zvichitevera kunyuka kwechirwere chebird flu kana kuti Avian Influenza kunyika yeMozambique.

Kwayedza

Luthando Mapepa

BAZI reVeterinary Services Department mudunhu reManicaland rakavhura nzvimbo dzekuongorora kufambiswa kwezvipfuyo zviri muchikamu cheshiri zvinosanganisira huku kuChipinge neChimanimani zvichitevera kunyuka kwechirwere chedzihwa reshiri (bird flu kana kuti Avian Influenza) kunyika yatakavakidzana nayo yeMozambique.

Nzvimbo dzekuongorora dzakaiswa paManzvire neMt Selinda, kuChipinge pamwe nekwaMachongwe neKopa, kuChimanimani.

Mutsamba yakaonekwa nebepanhau rino, iyo yakanyorwa naManicaland Provincial Veterinary Services Department director, Dr Charles Guri, vanoti dunhu iri rinofanirwa kugara rakangwarira kuitira kuti chirwere ichi chisapinde munyika muno.

Dr Guri vanokurudzira vashandi vanoona nezvezvipfuyo vari kuongorora nzvimbo idzi kuti vatore mukana uyu kudzidzisa pamwe nekukusha mashoko echenjedzo nezveAvian Influenza kune veruzhinji.

“Mozambique yakaona kunyuka kwechirwere cheHPAI pari zvino kuInhambane. Inhambane inowanikwa makiromita 733 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweMount Selinda (Chipinge).

“Nekuda kwekuve pedyo nepedyo kwechinhambwe ichi, zvichitevera kushanya kunoita vanhu uye shiri dzinobhururuka dzakawanda kubva panzvimbo dzichienda pane imwe, Zimbabwe inogona kutapurirwa chirwere chebird flu kubva kuMozambique.

“Vashandi vose vanoona nezvezvipfuyo mudunhu iri vanokurudzirwa kuti vangwarire kuitira kudzivirira chero utachiona hupi hunogona kupinda munyika (huku kana zvigadzirwa zvehuku) uye kuona chero zviratidzo zvingave zvine chekuita neHPAI.

“Nekuda kweizvi, pakaiswa nzvimbo dzekuita ongororo. Pamusoro pezvo, muzinda weForbes Border Post unoonekwa senzvimbo yekuita ongororo yeHPAI zvekare,” vanodaro Dr Guri.

Mhando yechirwere chedziwa iyi inonyanya kutapukira kubva kushiri dzine utachiona uhu uye inogonawo kutapurirwa pakati pevanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey