Nhabvu yePSL yadzoka

29 Jun, 2023 - 19:06 0 Views
Nhabvu yePSL yadzoka Lloyd Chitembwe

Kwayedza

Abel Ndooka

MITAMBO yeCastle Premier Soccer League iri kudzoka kutanga nemusi weMugovera svondo rino mushure mekunge yambomiswa senzira yekupa mukana wekuti nhandare dzinosanganisira National Sports Stadium (NSS) dzimbovandudzwa.

Masvondo adarika, PSL yakatora danho rekumbomisa mitambo yese nechinangwa chekuti nhandare dzivandudzwe sezvo pakatanga mitambo yegore rino paingove nenhandare nhanhatu chete dzaingoshandiswa kutambirwa mitambo.

Zvisinei nekudzoka kwenhabvu svondo rino, nhandare dzinoti Rufaro Stadium, NSS, Vhengere Stadium neWadzanayi Stadium dzicharamba dzakavharwa.

Nhandare yeNSS pakatanga mwaka wegore rino yaishandiswa nezvikwata zvinoti Dynamos, CAPS United, Herentals College, Yadah Stars, Black Rhinos neSimba Bhora.

Zvikwata zvese zvemuHarare, kusanganisira Simba Bhora yekuShamva, pari kudzoka nhabvu zvichashandisa nhandare dzinosanganisira Bata Stadium, Mandava neBabourfields sezvo muHarare musina nhandare kana imwe chete iri padanho rinotenderwa kuti igotambirwa nhabvu yePSL.

Munyori mukuru wesangano reFriends of the Warriors – Zivanai Muwashu – anoti zvinhu zvinosuwisa kwazvo kuti muHarare rinove guta guru renyika hamuchatambirwe nhabvu.

Zivanai Muwashu

“Zvinokatyamadza zvikuru kuti muHarare hamuchatambirwe nhabvu yePSL nekuti hakuna nhandare dzacho. Izvozvo zvinorakidza kufa kuri kuita nhabvu yedu takatarisa.

“Tinokumbira vane chekuita nenhabvu kuti vagadzirise nyaya iyi nekuchimbidza, tapota hedu,” anodaro Muwashu.

Pamitambo iriko svondo rino, CAPS United ichananga kuBulawayo kunotamba neHighlanders kuBabourfields nemusi weSvondo.

Kepe-kepe kana kuti Shaisa mufaro chikwata chaLloyd Chitembwe ndicho chichange chiri pamusha pamutambo uyu panhandare yeBosso sezvo nhandare yainoshandisa mazuva ese yeNSS yakavharwa.

Nekuda kwekushaikwa kwenhandare muHarare zvekare, zvichaona Black Rhinos neDynamos zvichienda kuGweru kunotambira kuBata Stadium nemusi weSvondo.

Chauya Chipembere ndiyo ichange iri pamusha pamutambo uyu apo ichasangana neDeMbare pamusha peSheasham.

Nemusi weSvondo zvekare, Herentals College neSimba Bhora zvose zvichananga kuZvishavane kunobandana kuMandava Stadium, inove nhandare yeFC Platinum.

Panguva iyo nhabvu yainge yambomiswa, paive netarisiro yekuti basa raiitwa kunhandare yeWadzanayi Stadium, musha weSimba Bhora, raigona kupera asi zvakakona.

Izvi zvichaona chikwata chaTonderai Ndiraya chichiramba chichitambira mitambo yacho kune dzimwe nhandare mwaka uno.

Tonderai Ndiraya

Vatsigiri veSimba Bhora havasati vamboona chikwata chavo chichitambira mitambo yePSL munhandare yavo yeWadzanayi kubva zvayakapinda muPSL.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, shasha dzePSL – FC Platinum – iyo inotungamirirwa naNorman Mapeza ichange iri pamusha nemusi weMugovera apo ichasangana neChicken Inn.

Norman Mapeza

Nerimwewo divi, ZPC Kariba ichatamba mutambo wekutanga pamusha payo mwaka uno paNyamhunga Stadium zvichitevera kupasiswa kwakaita nhandare iyi kuti ichitambirwa mitambo yePSL.

ZPC Kariba ichasangana neYadah FC nemusi weMugovera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey