Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa

25 Sep, 2015 - 01:09 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reHarare Junior Football League rinoti riri kushanda zvakasimba mukubika vatambi vechidiki vemutambo uyu rakabatana neshasha dzakaita mukurumbira munhabvu pamwe nevarairidzi. Masvondo adarika, sangano iri rakaronga mutambo weboka reUnder 17 uyo waive nezvikwata 19.

Chikwata Total Acedemy Football Club ndicho chakahwina mushure mekunge chakunda DZ Academy 3-2 kumapena apo mutambo uyu wakange wapera ari mangange.

Pamutambo uyu paive nevarairidzi vane mukurumbira vakaita saArthur Tutani, Stanley Chirambadare, George Charambarara naGilbert Mushangazhike uyo akambonetsa munhabvu.

Fixtures Secretary weHarare Junior Football League Edwin Manyeruke anoti sangano ravo rakazviona zvakakosha kuti ribatane neshasha idzi kuti dzipote dzichiongorora vatambi ava nedonzvo rekuti vasimukire mumutambo uyu. Harare Junior Football League ine mapoka maviri eGroup A neB ayo ose ane zvikwata 13 zvinokwikwidzamo.

“Isu basa ratiri kubata kubika vatambi vechidiki kuti vagove neramangwana rakanaka munhabvu.
“Tinoshanda nevatambi gore rose uye tozoronga mitambo iyo zvikwata zvakasiyana zvinodamburana apa ndipo patinoshevedza varairidzi vakasiyana kuti vauye kuzoongorora mitambo iyi.

“Zvinobatsira kuti vauye nekuti vanopa mazano kuvatambi vari kusimukira pavanofanirwa kugadzirisa kuti ramangwana ravo rigojeka,” akadaro Manyeruke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey