Uncategorized

Nhai Alfred, wave kuenda kupi tisati tasvika kumba?

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUMWE murume akakwira kombi nemudzimai wake ane pamuviri. Mukadzi akanga akabata kandumurwa, uyuwo murume akabata chisikana chine makore angaite matatu.

Mwana aive akabatwa nemurume uye akabva atanga kuchema achida kuenda kuna amai vake vaive vakagara pasiti repamashure.

Murume uye akanga akabata bhodhoro redoro, uye akadhakwa akabva ati kumukadzi wake, “Iwe, ndipe kuno mwana kwaye wawakabata utore ichi chinenge chine ngozi.”

Vakachinjana vana. Pachibva pamboita karunyararo.

Amai vaye vakazongoti kumwana akanga ati kwati-kwati navo, “Iwe une manyemwe. Chii chauri kuridzira mhere kunge dhimoni kudaro? Baba vako vanoruma here?”

Baba vaye vakabva vashevedzera kunge vari kutaura nemunhu ari mhiri kwerwizi vachiti, “Nyarara apo, mese nemwana wako muri madhimoni.”

Mai vaye vakachenamisa mazino vakati, “Eee mave kufarisa manje. Ko muri kunwirei hwahwa mune vanhu?”

“Iwe saka apa wave kuda kundityisidzira here?”  Baba vaye vakataura maziso akabuda kunge rurimi rwembwa yaneta.

“Ndinokuhedha. Handidi zvevanhu vanoda kundidzura, monditanhaura nekunditokonyora senzungu. Pamadya chicken yenyu nemachips ndamboti muri kudyirei pane vanhu?”

Mai vaye havana kupindura. Vakazoti nezwi riri pasi, “Tozonotaurirana kumba.”

Kombi yakasimudzwa kubva paCopacabana ichiita zvekusvetuka. Driver akabva aisa Zimdancehall ndokutanga kuita tirarira mumugwagwa.

Mukadzi uye akabva ati kumurume wake, “Batai mwana zvakanaka. Mungakoshese kubata doro zvakanaka kudarika mwana wenyu?”

Baba vaye vakacheukira kwaive nemukadzi wavo vachiita kunge vabayiwa netsono. Vakabva vati, “Iwe, ndakuudza kuti ukaramba uchishama muromo wako unenge bhini remarara ndichakuhedha.”

“Saka muri kuda kuti ndinyarare imi musiri kuita zvakanaka?” Mai vaye vakapindura izwi richikwira pamusoro.

Baba vaye vakabva vaseka, ndokudzvuta doro ravo. Vakananzva muromo webhodhoro vachibva vati, “Uyu ndiye mukadzi chaiye.”

Baba ava vaitaurisa, vachinhuhwa dikita nezvimwewo zvinonhuhwa zvinorutsisa.

“Hamufanire kunwa doro makabata mwana.” Amai vaye vakasimudzira.

Baba vaye vakaseka, vachibva vapa mwana doro kuti anwe. Mwana akanwa doro, achibva ananzvira.

Baba vaye vakati, “Very good.”

Mukadzi wavo akapopotera kupa mwana doro. Murume uye achibva ati zvakare, “Ndinokuhedha.”

Mukadzi uye akabhadhara mari yekombi. Murume wavo achibva adzvova zvinonhuhwa.

Mai vaye vakabva vati, “Ndakuudzai kuti musanwire mukombi. Mave kunhuhwidza kombi yese.”

Baba vaye vakabva vati, “Ndazvinzwa, rega ndiburuke mukombi macho kuti iwe nevamwe vanhu vari muno mufambe murugare.”

“Munopenga chete imi.” Amai vaye vakasekera svoto.

Baba vaye vakabva vasaidzira mwana wavakanga vakabata kumukadzi wavo. Vakabva vati, “Driver, ndiburutsirewo paBus Stop.”

Mukadzi wavo akabva ati, “Saka nhai Alfred, wave kuenda kupi tisati tasvika kumba?”

Murume uye akabva ati, “Ndiri kuenda kumwewo kwandinoremekedzwa nekudiwa.”

Amai vaye vakati, “Asika kana ndasvika patinoburukira handikwanise kutakura bhegi nevana.”

Murume haana kupindura.

Kombi yakabva yamira, murume uye achibva aburuka achizvida kunge mupurwa wakazvimbirwa. Ave panze pekombi, akabva aisa bhodhoro rake redoro kumuromo ndokukweva.

Akabvisa bhodhoro pamuromo achibva ati, “Chienda nevana ivavo kuna baba vavo chaivo. Inini handisisiri murume wako, zvakare handisi kuzouya kumba.”

Munguva ino yeKirisimasi, varume idai vakadzi venyu, mude vana venyu. Doro harisi mudzimai, uye Man U haisi mwana wako.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey