NUST yogadzira midziyo yePCR

26 Jan, 2022 - 06:01 0 Views
NUST yogadzira midziyo yePCR Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Nqobile Tshili

NATIONAL University of Science and Technology (NUST) ichatanga kugadzira midziyo inoshandiswa mukuvheneka hutachiona hwechirwere cheCovid-19 yePolymerase Chain Reaction (PCR) mwedzi unotevera.

Izvi zvinotevera kuwaniswa kwayakaitwa muchina wemhando yeOligomaker unokosha US$86 000 wekushandisa mubasa iri.
Zimbabwe pari zvino iri kutenga kunze kwenyika midziyo yePCR iyo iri kushandiswa mukuvheneka vanhu coronavirus hunova hutachiona hunokonzera Covid-19.

Gore rapera, Hurumende yakapa NUST mari yekutenga muchina uyu uye danho iri rinotarisirwa kudzikisa mari inobhadharwa kana munhu achida kuvhenekwa Covid-19 nechikamu che60 percent.

Pari zvino munhu anobhadhara mari inosvika US$60 kuti avhenekwe, asi kana midziyo ichigadzirwa muno neNUST yave kushandiswa, munhu anenge ave kubhadhara US$20 kuti aongororwe denda iri.

Kunze kweCovid-19, midziyo iyi inogona kushandiswa zvakare mukuvheneka humwe hutachiona hunosanganisira HIV.
Rubatsiro rwuri kupihwa NUST neHurumende rwune donzvo rekuti zvikoro zvedzidzo yepamusoro zvive nechikamu chikuru chekuita panyaya yekugadzirisa matambudziko anotarisana nenyika ino.

VaZephaniah Dhlamini, avo vanova director wechikamu cheNUST Applied Genetic Testing Centre (AGTC), vanoti muchina weOligomaker unoshandiswa mukugadzira midziyo yePCR wakasvika munaZvita.

“Muchina uyu wakaunzwa munaZvita uye une zvaunoda kuvandudzwa kuti unge uchishandiswa mulaboratory. Unoda gasi rakatsanangurika sezvo uchishandisa gasi rakadai seAbrams neNitrogen,” vanodaro.

VaDhlamini vanoti vane tarisiro yekuti muchina uyu unenge wava kushanda kupera kwaKukadzi gore rino.
Vanoti nyanzvi dzekambani yekunyika yeDenmark dzakagadzira muchina weOligomaker uyu dzichauya kuzodzidzisa vashandi vepaNUST mashandisirwo acho.

Muchina uyu, vanodaro VaDhlamini, unoshandiswa zvakare mukugadzira midziyo yekuongoora DNA (testing kits).

“Tange tichitenga kunze midziyo yekuongorora DNA apo mumwe chete uchiita mari inosvika US$5 000 asi nedanho iri tichange tave kuzvigadzira yedu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey