Uncategorized

Nyaya yekuponda yakora muto

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti akasunga mumwezve munhu nemhosva yekuponda harahwa yekuMasvingo – iyo inonzi yakafa mushure mekurohwa kwemazuva maviri nevehukama ichipomerwa kuroya.

Mhozva iyi yakaparwa mubhuku raMasherema kwaSadunhu Gororo, kwaChivi svondo rapera pamberi.

VaFidelis Musindo Mandava (72) vanonzi vakapondwa pajekerere nehama dzavo dzaisanganisira varume nevakadzi avo vaichinjana kuvapura nemhuro vamwe vachitorana mavhidhiyo emhosva iyi.

Vamwe vanhu vanonwe vanoti Aton Musindo Mandava (42), Gift Mandava (48), Edwin Mandava (23), Nyembesi Samu (36), Taurai Hwengwere (42), Benard Mandava (63) naSvodai Tarisai (32) vakasungwa svondo rapera nekuda kwenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Chief Inspector Charity Mazula, vanoti pavaviri vainge vatiza mapurisa – Pamela Mandava naPatience Sibanda Mandava — Patience akazosungwa.

“Mushure mekuferefetwa kwenyaya iyi nemapurisa ekwaChivi, vakazokwanisa kusunga Patience Sibanda Mandava. Pamela Mandava tichiri kumutsvaga kuti atarisanewo nemhosva yaari kupomerwa yekuponda aine vamwe vake. Tinoramba tichikumbira kune veruzhinji kuti vatibatsire pakubatwa kwemudzimai uyu, vane ruzivo nezvake ngavamhan’are pakamba iri pedyo navo,” vanodaro Chief Insp Mazula. Vanhu vasere vakasungwa ava vanonzi vari mutirongo kwaChivi vachimirira kupinda mumatare edzimhosva.

Zvichakadai, mutumbi weharahwa yekupondwa iyi unonzi wakazovigwa kumusha kwavo kwaGororo, kwaChivi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey