Uncategorized

Obvutirwa mugoti achibika

28 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Obvutirwa mugoti achibika Evans Magori

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki wekumugodhi weTrojan Nickel Mine, kuBindura, anoti pane mashiripiti ari kuitika kwaari ekuti anobvutirwa mugoti waanenge achibikisa sadza kana kumwe kudya nezvinhu zvaasingaone.

Evans Magori (25) — uyo anoshanda semurindi (gadhi) pakambani iyi uye kumusha achibva kuMadziva — anoti dambudziko rekubvutirwa mugoti kana achibika rava nemakore maviri richiitika.

“Kusvika pari nhasi ndashaya migoti inodarika mishanu, yose ndichingobvutirwa mumaoko ndichibika nezvinhu zvandisingaone. Ndinotonzwa kuti ndabatwa, mugoti wototorwa zvachose.

“Kana ndichibika sadza, panobvutwa mugoti sadza rinotondipfachukira pamwe ndototsva, ndozoona mugoti wakakandwa chinhambwe kubva pandiri asi usisina kana masadza ekuratidza kuti waburwa mupoto,” anodaro.

Magori anoti panguva yaanobvutirwa mugoti, anotanga anzwa kufamba kwemunhu nekuona zvemadzengerere, ozobatwa maoko nekubvutirwa mugoti.

“Izvi zvinoitika ndichibika sadza kana kukanga nyama. Pandinobvutirwa mugoti, ndinotombotiza ndichida kuona kuti vanhu vari kuita izvi vari kupi asi handina chandinoona.

“Tinochengeta kambani tiri vatatu asi vamwe vangu havasangane nedambudziko serangu iri.”

Magori anofungira kuti pane vanhu vanomushandisira mishonga.

“Tikaenda kubasa hatidzoke, tine imba yatinoshandisa kurara nekubikira umo ndinobvutirwa migoti. Ndakambozvitsvagawo ndikanzi kuti kune vanhu vehukama vari kundishereketera kuti ndiende kumusha kwangu sezvo baba vangu ndisingavazive asi vachinzi vakafa kare,” anodaro.

Magori anoti amai vake vanomuudza kuti kumusha kwake chaiko ndekwaDotito, kuMt Darwin.

“Handichaziva, dzimwe nguva zviri kubatana nenyaya yekuti handizive baba vangu. Zita rababa ndakaripihwa ndikatombotsvaga vamwe vanonzi ihama dzangu asi vanoti baba vangu havana kumbosiya vaudza vanhu ava kuti vane mwana. Saka vari kuti ndigova nhengo yemhuri iyi ndinofanirwa kutanga ndanotorwa ropa ndiitwe maDNA naivo kusanganisira nemumwe mwana anonzi wemunhu anonzi baba vangu uyu.

“Pasina izvozvo, vanoti havagone kunditambira kureva kuti vari kundiramba,” anodaro.

Magori anoti rimwe dambudziko raari kusangana naro nderekuti kana achifamba husiku, anoona murume waasingazive uyo anomuyambira kuti achapfidza.

“Murume uyu ndinosangana naye akapfeka mbatya nhema kana kuti grey topesana apo tisingamhoresane. Anotaura nezwi riri pamusoro achiti ‘hausati wakwana zvako’. Ipapo vhudzi rangu rinomira ndonzwa kutya kukuru. Handizive kuti chipoko here kana kuti muroyi.”

Anoti anogara achipomerwa nekusungirwa mhosva dzaasina kupara izvo zvaanofungira kuti ane jambwa rakaturikwa paari. Mugori — uyo akaroora aine mwana mumwe chete — anotizve nyaya yekubvutirwa mugoti haiitike kana ari kumba kwake uko vadzimai vake vanotombomuita kuti abike vachida kuzvionera.

“Dzandinoti hama ndedzekumusha kwaamai vanasekuru nevamwe naivo amai. Ndinodawo kubatsirwa kune vanogona kuti ndizive hama dzangu chaidzo nekuti mashura angu anyanya, mari yemaDNA tests handina,” anodaro.

Adam Maringe (24), uyo anove munin’ina waMagora, mwana wemunin’ina waamai vake — anotsinhira nyaya iyi.

“Anotaura kuti ndinobvutirwa migoti achibika izvo zvaanoti zvave kutoita kuti atye kubika kana ari kubasa. Pane nyaya zvakare yemurume waanosangana naye husiku uyo waanoti anomuti hausati wakwana, uchapfidza. Isu tinofunga kuti chipoko asi zvose zvinoitika kwaari chete,” anodaro.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, Sekuru Friday Chisanyu — avo vanove mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA) — vanoti Magora anofanirwa kushandirwa, osanganiswa nevedzinza rake.

“Hongu, tingataure zvekuroyiwa kana zvezvipoko nekubvutirwa mugoti achibika, inyaya inoshamisa. Chikuru ndechekuti anofanirwa kusanganiswa nevedzinza rake. Chinoshevedza minyama mukurarama kusaziva dzinza rako, hazvimbofa zvakafamba kana usingazive ropa rako,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey