Uncategorized

Oda mwana waakatiza ari kasvava

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MUDZIMAI wekunzi akatiza mwana achiine mwedzi mitatu yekuberekwa akazoenda kudare redzimhosva achida kupihwa mvumo yekutora mwana uyu kuti agare naye.Kerencia Marembo akaendesa aimbova murume wake, Tafadzwa Bakwa, kuHarare Civil Court achiti ari kumurambidza kutora mwana.

“Ndave kudawo mwana wangu kuti ndigare naye ndichimuratidza rudo rwangu saamai. Akanditiza akasiya mwana ari mucheche akazouya kuzomutora, izvezvi haachade kundidzorera.

“Kutaura kuno makore matatu ave kutokwana ndisina kana kumboona mwana wangu. Hama dzemurume uyu hadzimboda kuti ndisvike kumba ndichiona mwana. Vanondiona semuroyi angatokuvadza mwana. Homwe yangu yatambanukawo, pari zvino ndave kukwanisa kuriritira mwana wangu ndega,” akadaro Marembo.

Bakwa akaudza dare kuti Marembo aitaura manyepa achiti akasiya mwana uyu pamusiwo pemba yevabereki vake aine mwedzi mitatu yekuberekwa.

“Mukadzi uyu ave kuuya nhasi achiti anoda mwana? Anozogona kumuchengeta sei kana akambotadza kumunzwira tsitsi achimusiya achiri rusvava rwunoda kuyamwa? Akatomboteverwa nevabereki vangu akaramba kudzoka kusvika tazoenda kumapurisa uko akambovharirwa,” akadaro Bakwa.

Akati Marembo paakabva kuchitokisi, haana kudzoka kumba kwaive nemwana sezvo akabva atiza.

“Paakavhurirwa, haana kudzoka kumwana asi kuti akabva atiza akaenda kwatisina kuziva. Mwana akamudhamba muna 2006, ave kudzoka nhasi uno achiti anomuda? Rudo here kana kuti kuda kukaurisa zvake vabereki vangu?” akadaro Bakwa.

Akaenderera mberi achiti: “Mwana handisi kuzomupa nekuti vabereki vangu vakaona nhamo vachimuchengeta kusvika akura. Haana kana kubvira aita chinhu pakuchengeta mwana iyeye. Saka handitombowirirane nenyaya yaari kutaura,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare nemwana uyu apo kutongwa kwenyaya yavo kuchaenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey