odashurira amai kuita chipfambi

25 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
VANHU vaiva mudare vakashamiswa kunzwa kuti mumwe mwanakomana ane tsika yekurova amai vake achivapomera kuita chipfambi.
Febby Aylon akaendesa mwana wake, George Aylon, kuHarare Civil Court achiti anogara achirohwa nekudirwa mvura nekuda kwemurume waanogara naye.

“Changamire, uyu mwana wangu mukomana wandinogara naye. Ndanzwa nekushungurudzwa naye. Anogara achindirova nekundidira mvura ndichisara ndati nyakata.

“Anondirova achiti ndiri pfambi nekuti ndinogara nababa vasiri vake uye anoda tsamba yemba yatinogara. Pamba apa anoti ndepake achiti baba vake ndivo vakapatenga zvinova zvemanyepo. Sitendi iyi pamwe chete nekuvaka imari yemurume wandiri kugara naye pari zvino.

“Baba vake hapana kana nekobiri ravakabvisa kuti vaite zvose izvi. Saka ndakamuti aende kuna baba vake vari kugara kuBindura anobvunza kuti zvechokwadi ndivo here vakatenga sitendi iyi. Iye haadi kuti ndigare nemurume wandinaye asi ari iye zvakare akamuchengeta kubva achiri mudiki,” akadaro Febby.

George akaudza dare kuti amai vake ndivo vasiri kumubudira pachena kuti abve pamba.
Akati: “Amai ndivo vari kuhwanda nechigunwe kuti ini nemudzimai wangu tibude pamba pavo. Nhau iripo ndeyekuti amai vakarwadziwa nekutora kwandakaita chitupa changu. Chitupa ichi ndicho zvakare chakaita kuti tipokane mushure mekunge mukadzi wangu asina kusununguka zvakanaka kuchipatara.

“Nekudaro, kuchipatara kwaidiwa mari yekuti vaburitswe yandaiva ndisina nguva iyoyo. Vekuchipatara vaida nhamba yepamba pandaigara netsamba dzacho. Saka ndakaenda kuna amai ndichida zvinhu izvi vakandirambira vachiti unoda kunochinjisa mazita emba kuti uise muzita rako.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Febby gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey