Odzidzisa varimi kupfuya tsuro

01 Jan, 2024 - 11:01 0 Views
Odzidzisa varimi kupfuya tsuro VaGift 'Mr Tsuro' Jambaya vachitaridza dzimwe dzetsuro dzavanopfuya - Mifananidzo naMemory Mangombe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYANZVI munyaya dzezvekupfuya tsuro, VaGift Jambaya (48) — avo vanoita basa ravo vari kuStappleford, kuMt Hampden — vofamba kumativi ose enyika vachidzidzisa varimi kupfuiwa kwetsuro uye nekuti vatore bhindauko iri sebhizimusi.

“Mushure mekukumbirwa nevarimi kubva kumatunhu akatsaukana munyika pavanondiona kushoo yevarimi kwemakore mazhinji akadarika vachiti ndivashanyire ndichivapa ruzivo rwekupfuya tsuro, ndakatambira chikumbiro chavo. Ndiri kufamba ndichiita atinoti ma’Rabbit Farmers Training Workshops’. Varimi vanoungana ndichivadzidzisa kuchengetwa kwetsuro dzemumisha nezvose zvinodiwa nekudaro mumakore matatu andakatanga kuita dzidziso iyi, kupfuiwa kwetsuro kwasimukira nekuwedzera zvikuru munyika,” vanodaro VaJambaya.

“Tsuro dzava kuchengetwa zvakanyanya kubvira pamisha chaipo patinogara sezvo tsuro isingade nzvimbo yakakura. Semuno muHarare, kuHighfield, Glen Norah, Budiriro, Norton nekumwe tine varimi vaita mukurumbira wekupfuya tsuro zvava kuita kuti vaye vanoda nyama yacho vanoiwana zviri nyore. Saka tinoti nyama yetsuro haimboperi kune vanoida iyo iri kukurudzirwa nemachiremba inozivikanwa nekunzi white meat.”

Mhando dzetsuro dzavanopfuya dzinosanganisira Holland Lop, Flemish Giant, Netherland Dwarf, Angora, Sallander neSinamon.

VaJambaya vanoti vanogadzirawo zvinhu zvakasiyana kubva mutsuro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey