Uncategorized

Ofemeswa nemukadzi

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
MUKADZI wekunzi aiita shaisano kuburikidza nekugara achifona pese-pese pamwe nekutumira mashoko panhare yemurume waakaramba naye akamiswa mudare redzimhosva.

Victor Gondo akamhan’arira Susan Masocha kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Gondo akaudza mutongi wedare Gamuchirai Siwardi kuti: “Mukadzi uyu ndakarambana naye asi andishaisa rugare. Handichagarisane zvakanaka namai vari kumba uko nekuda kwake. Anongondifonera-fonera kana kutuma vamwe vanhu kuti vandifonere zvinova zvava kuunza mitauro mumba mangu. “Anotumira mameseji mufoni mangu zvekuti mukadzi wangu haachanzwisisi sezvo achizviziva kuti tiri vanhu vakambodanana.” Mutongi Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.mire mashoko ava vaizosvika kupi nazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey