Uncategorized

Ogwinhisa mukadzi nemagetsi

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
MUMWE mukadzi anoti murume wake anouya nepfambi kumba, omumanikidza kurara pasi, iye achirara nadzo pamubhedha wavo, uye kana akaramba anomugwinhisa nemushini wemagetsi.

Angeline Chirata akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira murume wake Sherperd Ngirazi.

Anoti nyaya iri kunetsa ndeyekuti murume wake anomumanikidza bonde pasina dziviriro asi iye achiziva kuti anoita zvechipfambi.

“Pari zvino anonditi ndirare pasi achiuya nepfambi dzake ndirimo. Akaenda kuSouth Africa akanotenga chimushini chemagetsi chaanondigwinhisa nacho kana ndaramba kurara pasi. Saka ini semunhu anorwara nemwoyo handizopikise zvaanenge andiudza kuti ndiite, ndinobva ndarara pasi nekuti chimushini ichi chinogona kuzokanganisa mwoyo wangu,” akadaro Chirata. Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Chirata.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey