Uncategorized

Ongororo yemutemo wekutapwa kwevanhu

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Irene Sithole —
NEMUSI wa30 Chikunguru gore rino, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zuva guru rekurwisa nyaya dzekutapwa kwevanhu reWorld Day Against Trafficking in Persons.

Izvi zvakaitwa zvichifambirana nemutemo wenyika unorambidza nyaya dzerudzi urwu. Hurumende yakadzika mutemo weTrafficking in Persons Act (Chapter 9:25). Pamusoro peizvi, iri kushandisa mutemo mumwe chete uyu kuti unge uchifambirana neProtocol to Prevent, Suppress and Punish Trafficking in Persons Especially Women and Children Supplementing the United Nations Convention Against Transnational Organised Crime.

Kuti mitemo iyi inge ichishanda munyika muno, zvakakosha zvikuru nekuti zvinofambirana nebumbiro idzva remutemo. Hurumende iri kuedza kuti mutemo uyu unge uchishanda zvichibatsira vagari vemuZimbabwe.

Sangano reZimbabwe Women Lawyers Association ndiro remamwe anorwira kusimudzira kodzero dzemadzimai nevana, zvikuru sei mukuvapanga mazano pamusoro penyaya dzemitemo, kusanganisira kutapwa kwevanhu.

Muchikamu cheSection 3 chemutemo weTrafficking in Persons Act (Chapter 9:25), mune zvinhu zvakakosha zvinosanganisira kutapwa kwevanhu tichitarisa kuti mhosva idzi dzinoparwa sei nezvinangwa zvipi.

Wose anotapa munhu achimuendesa kune imwe nyika kana kuti zvichiitirwa munyika muno achishandisa chisimba, huwori nekutyisidzira uye manyepo asi aine chinangwa chekunoshandisa munhu iyeye anenge ari kupara mhosva yekutapa.

Izvi zvinoratidza kuti nyaya dzekutapwa kwevanhu hadzingoitiki kunze kwenyika asi kuti kunyangwe munyika muno.

Somuenzaniso, kune nyaya dzakawanda dzevanasikana avo vanotorwa kumamisha vachinyeperwa kuti vanonoshanda kumaguta asi vachimbunyikidzwa apo vanopihwa mari shomanana. Kazhinji kacho izvi zvinenge zvichitoitwa nehama dzavo.

Kana nyaya dzakadai dzikange dziine umboo vapari vemhosva vanogona kusungwa.

Mutemo unosunga wese anenge ari muhurongwa hwekutapwa kwevanhu uku kwete munhu mumwe chete, kusanganisira anotambira munhu anenge atapwa.

Mutemo unotarisa zvakare kutapwa kwevanhu nechinangwa chekuvadzvanyirira vachishandiswa pasina muripo kana kuti vachiwaniswa muripo mushoma.

Munguva pfupi yadarika, mumapepanhau makabuda nyaya dzakawanda dzekumbunyikidzwa kwevanhu, zvikuru sei madzimai apo vanenge vari kunyengedzwa kuti vaizonowaniswa mabasa kunyika yeKuwait.

Madzimai aya akange achimbunyikidzwa apo vaishandiswa zvisina zororo, pasina muripo uye vachimanikidzwa kupindwa navo munyaya dzepabonde.

Vamwe vanotoendeswa kune dzimwe nyika vasingazive vachinobviswa mimwe mitezo yemuviri kana kutourayiwa chaiko.

Nhengo dzemiviri idzi dzinogona kuzotengeswa kana kushandiswa munyaya dzemishonga.

Mhosva yekutapwa kwevanhu hainei nekuti nyakutapwa anga achibvuma kuendeswa kunzvimbo iyoyo, mupari wemhosva anongobatwa nemhosva yekutapa zvakadaro.

Mhosva yekutapwa kwevanhu yakaipisisa zvikuru uye ine chirango chakakura chekugara mujeri kwenguva ndefu.

Mutongo wekutapa vanhu ndewemakore asiri pasi pegumi ekugara mujeri.

Pamwe pacho matare edzimhosva anogona kuita kuti mupari wemhosva ange achiripira mumhan’ari kurasikirwa kwaanenge akaitwa panguva yekutapwa asi izvi zvinenge zvichiitirwa kudare reCriminal Court kwete reCivil Court.

Zvakakosha zvakare kuti vanhu vanenge vakatapwa vazochengetedzwa kuburikidza nebazi revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanotambura.

Vanofanira zvakare kuwana muzinda uyo vanonopangwa mazano, kuwaniswa dzidzo nekusimudzirwa mumabasa emawoko.

Chimwe chinhu chakakosha pamutemo uyu kutevedzwa kwavo.

Ongororo yacho inoitwa nechikamu cheAnti- Trafficking Inter Ministerial Committee iyo inoshanda nemapazi anosanganisira rezvinotika mukati menyika, zvinoitika kunze, reutano nekurerwa kwakanaka kwevana neremadzimai nekuenzaniswa kwemikana.

Ibasa remunhu wese kuti ange achirwisa nyaya dzekutapwa kwevanhu uye kuti dzinge dzichimhan’arwa.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey