Ongororwa ropa uchiri mutano

05 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

cathrineNYIKA yeZimbabwe yakaona utachiona hweHIV hwekutanga mugore ra1985. Kubva mugore iri, Hurumende, kuburikidza nebazi rehutano nekurerwa zvakanaka kwevana, yakatangisa kuongorora ropa rose raipiwa munhu. Nekuita kwakadai hakuna munhu kubvira mugore iri angati akawana utachiona hweHIV nekuda kwekupiwa ropa. Kwete ropa rose rinovhenekwa kuti harina utachiona hweHIV here, harina hepatitis B neC uye syphillis.

Chengedzo yakabva yateverawo munhau, pawairesi, pamaterevhizheni nemumapepanhau.

Hapana pakasara shoko rakamwaiwa.

Vanhu vakakurudzirwa kuti vazive mamiriro eropa ravo izvi zvichiitirwa kuzvipatara, makiriniki nemaNew Start Centre. Kusvika nhasi vanhu vanokurudzirwa kuziva mamiriro avo asi chinoshamisa ndechekuti kune mumwe asingazive mamiriro ake anozotariswa nekuda kwehurwere.

Svondo rakapera semhuri takarasikirwa natete vanove vanga vachiri vechidiki vaive nemakore angave makumi matatu okuberekwa. Tete vaishanda mubazi rehutano semuchenjedzi vaya vatingati vanautsanana. Vaitofamba nebhasikoro vachidzidzisa vanhu munharaunda yavo magariro akanaka uye vaikurudzira vanhu kutiwo vaongororwe kuti havana utachiona hweHIV here.

Aaah zvino munhu ungadzidzise vamwe iwe usina kuita zvaunodzidzisa here? Tete vakarwara nenyon’o nguva diki-diki vakapinda muchipatara cheKwekwe. Vakagara masvondo matanhatu vakabuda vave nani. Vasvika kumba vakagara mwedzi bedzi zvikakwidza vakatakurwazve vodzokera kuchipatara.

Apa vakanga vava kuti chikosoro uye mapiritsi akave dutu pamunhu aperezeka anenge oita kunge ndiwo orwarisa munhu izvo kwete mushonga unenge wawanda simba pamuviri waperezeka kare.

Tete vaiti vakapihwa mapiritsi vaibva vaarutsa pakare izvi zvichireva kuti hapana rubetsero rwanga ruchashanda. Musikana akaneta akasiya nyemba, ndokusiya pwere nhatu nemurume.

Sangano reNational AIDS Council rinoti hatisati tasvika pakuti jekerere reruzhinji ruzive kuti rakamira sei. Izvi hazvina chikonzero nekuti kuongorora ropa hakubhadharwe uye munhu akawanikwa aine utachiona hweHIV anowana rubatsiro rwemapiritsi emaARV pasina muripo muchirongwa cheHurumende chakaparurwa mugore ra2004.

“Senyika tinoda kuti vanhu vanosvika chikamu che80% vazive mamiriro avo asi parizvino tiri pasi pe60%,” sangano iri rakazivisa.

Vanhu vakatanga kunwa mapiritsi mugore iri makumi masere kubva muzana (80%) vapenyu kuratidza kubudirira kwechirongwa ichi.

Mumwe mudzimai akatanga kunwa mapiritsi mugore iri Shingi Matogo anoti yakapfura kare nguva yekufa nekushaya ruzivo nekuti nhasi zambuko raveko.

“Ini ndakaonekwa ndiine utachiona mugore ra1986 mushure mekunge ndabereka mwana mugore ra1985.

‘‘Mwana aigarorwara-rwara kusvikira tose tavhenekwa. Zvainge zvakaoma kusina mapiritsi asi kuti kungozvishingisa nekudya zvine utano uye kuwadzana nevamwe vaikukurudzira kurarama neutachiona usingazvidye mwoyo,” Matogo akadaro.

Matogo anoti inyasha kuti nhasi mupenyu.

“Mwana akatisiya mugore ra1992. Ini semunhu aive nevamwe vana ndakaringisa ramangwana ravo ndikakumbira Mwari kundiso kusvika kwakazowanikwa mushonga wemaARV ndikave mumwe wevanhu vakatanga kupinda pachirongwa mugore ra2004,” akadaro Matogo.

Kune munhu wose asati aziva paamirire ongororwa ropa usati wava pamutepatepa. Tarira vakatanga kunwa maARV makore anopfuura gumi nhasi vanotsika panotinhira.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey