Uncategorized

Opikira jeri chikwereti

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuMufakose, muHarare, wekutadza kubhadhara mendenenzi yaakatemerwa nedare, akazozvidemba mushure mekupihwa chirango chekupika jeri kwemwedzi mitatu.Jane Kunaka (44), wepanhamba 13357 Unit N, kuChitungwiza, akamhan’arira Conellious Mufambisi (44), uyo anogara panhamba 4 Church Close, Mufakose, kudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nenyaya yechikwereti che$205 yemendenenzi.

Mutongi wedare iri, Takunda Mutetwa, akatemera Mufambisi chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu asi ndokuti chirango ichi chinogona kuraswa chose nechitsidzo chekuti anofanira kubhadhara chikwereti chake cheUS$205 musi wa17 Zvita wegore rino usati wasvika.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa26 Chivabvu gore rino, dare iri rakatemera Mufambisi chirango chekuti abhadhare mendenenzi yeUS$75 pamwedzi yekuchengeta mwana wake. Mufambisi haana kutevedzera mutongo uyu kubvira mwedzi waNyamavhuvhu kusvikira muna Gumiguru.

Mufambisi akabvuma mhosva yake mudare achiti akange akamirira kuti apihwe mari yaakashandira kuti azobhadhara chikwereti ichi.

“Mhosva yekusabhadhara mendenenzi ndinoibvuma uye kana ndikangowana mari chete ndichabva ndamupa. Dambudziko riripo nderekuti handisati ndatambiriswa mari yangu nemuRungu wangu kwandakamboshanda,” akadaro Mufambisi achichema-chema mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey