Kwayedza
Phillipa Mukome-Chinhoi
MURUME wemuHarare anoti ari kuoneswa ndondo neaimbove shamwarikadzi yake uyo ari kuuya kumba kwaanoroja achimurwisa nemamonya izvo zvave kuita kuti ade kudzingwa nemuridzi wemba.
Johna Wati achema-chema mudare reHarare Civil Court achiti Rosa Mutemasango ane katsika kekugara achimutuka nezvinonyadzisira.
“Anouya pamba pandinogara nemamonya kuzondirova, ini handichadi nezvake asi pose paanondiona chero nzvimbo ipi anotoda zvekundirwisa,” anodaro Wati.
Achipawo divi rake, Mutemasango anoti ichokwadi kuti ari kushungurudza Wati uye chaari kuda iUS$50 yake yaakakwereta.
“Ini handisisina basa nayewo asi dai andidzosera US$50 yangu yaakandikwereta ndiko kuti nyaya yacho ipere,” anodaro Mutemasango.
Mutongi Tamara Chibindi akapa Wati gwaro redziviriro asi vakamuti anofanirwa kudzosera mari yaMutemasango yaakakwereta.