Oramba kuchengeta mwana . . .‘Inini wacho nditori panguva yakaoma’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Oramba kuchengeta mwana . . .‘Inini wacho nditori  panguva yakaoma’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akati anokwanisa kubvisa $10 pamwedzi semari yekuchengeta mwana wake achiti upenyu hwakamuomera zvekuti ari kurarama nekudya nhoko dzezvironda.

Majidu Mutila akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naRosemary Mandizvidza achida kuti abhadhare $150 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo. Mandizvidza anoti Mutila hapana zvaari kuita mukubatsira kuchengeta mwana uyu.

“Changamire, ndauyawo kuno nababa ava, ndinoda $150 pamwedzi yekuchengeta mwana wedu mumwe. Ini handishande, saka mari iyoyo ndinofunga kuti inokwana zvose – chikafu chemwana $50, mari yemba $30, yekuchipatara kana arwara $30 uye hembe.

“Mutila ane mumwe mukadzi nevana vaviri asi hazvimutadzise kuchengeta wangu nekuti anoshanda,” anodaro Mandizvidza. Mutila anopikisana naMandizvidza achiti haana mari uye zvinhu zvakatomuomera.

“Ini handina mari uye zvinhu zvakatondiomera, mari yandingamupa i$10 yekungobatsira nekuti mukadzi uyu paakabva tarambana, ndakamubvunza kuti hauna nhumbu here akati haana. Saka mwana uyu abvepi? Ndinoda kunzwisisa ipapa nekuti ndingangotambwa nyowani ndikachengeta mwana asiri wangu, ndoda kuenda kuDNA kunoongororwa kuti mwana uyu ndewangu here kana kuti kwete,” anodaro Mutila.

Anoti haasi kushanda saka hakuna kwaanowana mari iri kudiwa naMandizvidza.
“Pari zvino handisi kushanda uye vana vangu vaviri vanoda kuchengetwa zvakare neni,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akati Mutila abvise $35 pamwedzi yekuchengeta mwana wake akamirira kuenda kuongororo yeDNA.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey