Uncategorized

Orikita, kutuka amai achivananga huroyi

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MWANAKOMANA wekupomerwa kugara achirova amai vake pamwe nekuvananga huroyi akamiswa pamberi pedare redzimhosva svondo rapera.

Winnie Shonhiwa akamhan’arira Felix Shonhiwa kuHarare Civil Court achiti anogara achimutuka, kumurova pamwe nekumupumha huroyi.

“Changamire, mwanakomana wangu anondirwisa pamwe nekundituka achiti ndiri muroyi uye handina kodzero yekumuudza zvekuita. Anouya ndakagara ndichiona terevhizheni obva aidzima. Pamusoro pazvo, anodzima firiji yangu achiti inenge ichimuitira ruzha.

“Zvinotonyadzisa kutaura kuti mwanakomana anondishungurudza nekuti mwana wangu wekubereka asi ndatoona kuti handingazvikwanisi ini nababa vake sevanhu vachembera. Saka kana zvichibvira ngaabve hake pamba pangu nekuti munhu abva zera haangarambe akagara nezera rake achishaya zvokuita nekutadza kuroora pedzezvo otanga kutishungurudza,” akadaro Winnie.

Akaenderera mberi kuudza dare kuti Felix haana kana rukudzo nekuti akasvika abikirwa zvekudya anogona kutora zvababa vake kana kubika zvimwe oga.

“Kana ndihwo huroyi hwaanondipumha hunoita kuti kana akasvika ndabika anotora ake mapoto otanga kubika chake chikafu sekunge ane kana mari yaanounza kumhuri. Pamusoro pazvo, pane musi waakasvika ndabika chikafu ndapakura chababa vake akangochitora ndokubva adya ndakatoshaya kuti akanga achitadza kuremekedza zvakadaro sei.

“Vamwe vake marovha vari kungochengeteka zvakanaka wani. Iye ndiye anyanyokoshei kutishaisa mufaro? Haadi kuona vamwe vana anobva atanga kupopotedzana navo pamwe nekuti kune hanzvadzi yake yakarambwa dzokera kumurume wako. Zvinhu zvingawanikwa pavana vakabuda vose mudumbu mangu here?” akadaro.

Felix akapokana naamai vake achiti hapana kana musi mumwe chete waakavashungurudza.

“Handipokani nechikumburo chavo, ngavapihwe zvavo asi panyaya yekuti ndinovarova nekuvatuka amai vari kundirevera nhema. Nyaya yakatanga pandakaudza baba kuti firiji iri kuita ruzha nekuti yakafa ngaidzimwe.

“Panyaya yavataura yekunetsana nehanzvadzi yangu, tinonetsana zvechokwadi asi ndave kutoona kuti amai vave kutora divi rake nekuti ndiye wavanofarira.

‘‘Naizvozvo handipokani nechikumbiro chavo asi zvandaona kuti mutauro yanyanya ndava kubva zvangu pamba apa,” akadaro.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akapa Winnie gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey