Orohwa nemunhu waakagadzirira mota

19 Dec, 2023 - 16:12 0 Views
Orohwa nemunhu waakagadzirira mota Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti kasitoma yake yaanogadzirira matayi pamwe nekuwanisa nzvimbo yekupaka motokari iri kumuonesa pfumvu nekumutema nemabhodhoro pabasa pake nekuda kwekuti haina kufadzwa nebasa raakamuitira pakugadzira matayi aya.

Owen Gwanzura akaendesa Grey Gwerame kudare reHarare Civil Court achiti ane tsika yekuuya pabasa pake achimutuka mashoko anonyadzisira pamberi pavanhu.

“Ndakamugadzirira mavhiri emotokari yake akasakagutsikana, kubva ipapo anongoda kundirwisa. Mumwe musi akauya neshamwari dzake ndokutanga kundipotsera mabhodhoro ndikakwanisa kutiza mwana wangu akazomhanya kunomhan’ara kumapurisa asi haasi kuda kuzviregedza,” anodaro Gwanzura.

“Ndaikumbirawo dare kuti arege kundituka nekusvika kumba nepabasa pangu nekuti zvave kunditadzisa kushanda ndakasununguka.”

Gwerame haana kuenda kudare.

Mutongi Sharon Mashavira akapa Gwanzura gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey