Orova amai

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Orova amai

Kwayedza

Milcah Nhakura

TSVIMBORUME yekupomerwa mhosva yekugara ichirova amai vakaibereka pamwe nekuvatuka zvinonyadzisira yakazomiswa mudare redzimhosva.

Norah Makumani akamhan’arira mwanakomana wake Priviledge Mafigu kuHarare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira.

Anoti mwana wake haamuremekedzi saamai asi kuti anomuona semusikana wake webasa.

“Ndinokumbirawo gwaro rinondidzivirira uye kuti abve pamba pangu atsvage zvake kumwe kwekunogara nekuti handingarambe ndichichengeta chembere. Ndikaramba ndichigara naye angatogume andiuraya.”

Mafigu anoudza dare kuti amai vake vari kutaura manyepo.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Makumani gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey