Orovera mukadzi kubvunza chikafu

26 Aug, 2023 - 10:08 0 Views
Orovera mukadzi kubvunza chikafu Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake anomuzvambaradza kumurova pose paanomuudza kuti mumba mavo hamusisina chikafu chekuti vadye nevana.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court uko Isabell Makume azvuzvurudzira murume wake, Clemence Mandinza, achiti ave kutotyira upenyu hwake nehwevana nokuti pese pavanovamutsa dzivo, anoda kubatanidzira nevana zvekare.

“Murume uyu haadi kuudzwa kuti chikafu chapera nezvimwewo zvinodiwa mumba, anobva atanga kundituka nekundirova. Baba ava vane gwaro rekubhadhara mendenenzi ravakapihwa asi havasi kubhadhara mendenenzi yacho saka ndashaya kuti ndoita sei,” anodaro Makume.

Mandinza haana kupikisa zvinotaurwa nemudzimai wake.

Mutongi Sharon Mashavira vaudza Makume kuti ane mhosva yekusamhan’arira murume wake kumapurisa kana asingabhadhare mendenenzi sezvo achifanira kusungwa nekuti ari kutyora mutemo.

“Amai imi ndimi muri kuita kuti vana vafe nenzara, chiri kuita kuti musasungise murume uyu chii imo mumba muine nzara? Munofanira kumumhan’arira nokuti mwedzi woga-woga anofanira kuisa mari mubhanga renyu mukwanise kutengera vana chikafu,” vanodaro

Mutongi Mashavira vapa Makume gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey