Oroverwa kuramba kuenda kuchechi

25 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MUMWE mukadzi anoti aoneswa chitsvuku nekurohwa nehanzvadzi yake iyo yakambomubaya nebanga ndokutyorwa ruwoko nechikonzero chekuti ari kuramba kuenda kuchechi kwake. Sofia Marovha akamhan’arira hanzvadzi yake, Tafiremutsa Marovha, kudare reHarare Civil Court achiti anorohwa, kutukwa nekufurufushwa kuti abve pamba pevabereki vavo.

“Bhudhi vangu vanondirovera kuramba kuenda kuchechi kwavo. Handizive kuti zvinomanikidzwa here nekuti ini ndine kwangu kwandinoenda.
‘‘Vanogara vachindirova zvekutoti vakatondibaya nebanga vakandityora ruwoko ndikamhan’ara nyaya yacho vakavharirwa,” akadaro Sofia.

“Iko zvino vari kundidzinga pamba pevabereki patiri kugara tose hanzi uri mwana musikana, haufanire kugara pano. Asika, ndine mvumo yekugarapo semwana nekuti imba yacho hatisati tainyoresa zviri pamutemo.

“Ndakamubvunza kuti sei asingabatsire kubhadhara mari yemba akati handifanire kumubvunza nekuti ndiye ava baba sezvo ari ndiye bedzi mukomana mumba medu. Anoti ndibve pamba nekuti ndiri muroyi pamwe chete nehama dzedu dzose saka ndava kugara mukutya,” akadaro Sofia.

Tafiremutsa akaudza dare kuti Sofia aiwedzeredza kuti anogara achimurova sezvo akangomurova kamwe chete.
“Hanzvadzi yangu haindiremekedze semunhu mukuru pamba saka ndakazomurova asi zvakaitika kamwe chete. Nyaya yaiva yekuti akawana basa anongoenda asina kutaura uye paanodzoka anosvikongopinda mumba asina kutaura. Pandakamubvunza akapindura zvakashata ndokumurova ndikati agare kwaanenge aenda ikoko,” akadaro Tafiremutsa.

Mutongi Barbra Mateko akapa Sofia gwaro redziviriro akati Tafiremutsa asamurove, kutuka kana kumumanikidza kuenda kuchechi kwaasingadi pamwe nekumudzinga pamba.

Akati zvakare nechikonzero chekuti imba haisati yanyoreswa zviri pamutemo kubva muzita revabereki, pari zvino hapana munhu anotenderwa kutonga kana kuzviita muridzi wayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey