Oti kumba kwake ijeri

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
MUMWE murume akashamisa vanhu vaive mudare apo akati mukadzi wake ari kuramba kuti vana vavo vanodzidza kumusha sezvo upenyu hwavaomera achiti zvinotova nani kuti aite zvezvikomba kuti awane mari yekuriritira mhuri yavo mudhorobha.

Aron Mango akataura mashoko aya mushure mekunge aendeswa kuHarare Civil Court nemukadzi wake, Elizabeth Mango, uyo aida $370 yevana vavo vaviri.

Elizabeth akati Aron haasi kuchengeta mhuri zvekare haachagara pamba.

“Chikumbirio changu kudare kuti murume uyu andipe mari inokwana kuchengeta mhuri sezvo uchingova mutoro wangu ndoga. Pari zvino tsoka yake haichazivi kutsika pamba pake chaipo, nekuri kugarwa hapana kana anoziva. Kubvira zvatanga gore rino pamba hatimuzivi apa vana vanenge vachida chekudya nemari yechikoro,” akadaro Elizabeth.

Achipawo divi rake, Aron akati ari kuona chitsvuku mukurarama kwavo uye mudzimai wake ari kuramba kuti vana vaende kunodzidza kumusha nekuti upenyu hwemudhorobha hwavaomera.

“Pari zvino mari kubasa hakuchina, ndiri kutambira shoma. Ndaisimboshanda maawa akawanda pazuva asi iye zvino kwava nemumwe mushandiro mutsva naizvozvo mari yakaderedzwa, ndiri kutambura ishe wangu.

“Ini ndakanga ndati izvo zvinhu zvakaoma kudai zviri nani tiendese vana kumusha kuna ambuya tochengeta vana semhuri asi iye akadya magaka akatsidza kuti aisva aita zvikomba pane kuti vana vaende kumusha.

“Kumba ikoko ihondo chaiyo, mazuva ose kundimakidza kuchengeta vana vehanzvadzi yake sezvinonzi ndini baba vacho. Kugara nemudzimai uyu ijeri chairo,” akadaro Aron.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Aron abvise $200 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey