Ozvivharira pabasa nekutya kutukwa

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
MUMWE mukadzi anoti ave kugara akazvivharira kubasa kwake achitya kushungurudzwa nemudzimai ari kumupomera kuti akamutorera murume wake.

Rumbidzai Musonza akaudza dare reHarare Civil Court kuti ari kushaiswa mufaro naTariro Gora achiti anouya achimutuka nekumubvisa chimiro kubasa kwake.

“Tariro anouya kumba achindituka achiti ndiri pfambi ndakamutorera murume wake.

“Anouya zvakare kubasa achinditukirira izvo zvava kukonzeresa kuti ndishaye chimiro kune avo vandinoshanda navo zvekuti ndave kuswera ndakazvivharira pabasa nekutya kutukwa,” akadaro Musonza.

Gora akapokana nezvakataurwa naMusonza achiti haana kumbobvira amushungurudza.

“Changamire, ini ndinopokana naMusonza nekuti zvaari kutaura manyepo. Handina kumbomushungurudza asi ndakaona kapepa kaive nezita rake muhomwe dzemurume wangu, ndipo ndakaenda kunomutsvaga pabasa pake asi handina kana kumushungurudza.

“Waanoti murume wake ini murume wangu uye tine vana tese, iko zvino nditori nenhumbu yake. Zvaari kunditi ndakaenda kumba kwake ndinozviramba asi kuti ndakaona mota yemurume wangu kumba kwavo ndikamudaidza kuti ndimubvunze kuti mari yekuriritira mhuri ndaizoiwanepi,” akadaro Gora.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya iyi yaizodzoka kudare zvakare nekuti panodiwa umboo hwakazara hwekuti Musonza ari kushungurudzwa naGora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey