Pastor azvambaradza n’anga iri musvo

26 Aug, 2023 - 14:08 0 Views
Pastor azvambaradza n’anga iri musvo Patsor Khumbulani Mzizi

Kwayedza

Danisa Masuku

MUFUNDISI wekuMakokoba, kuBulawayo, akashamisa vagari venzvimbo iyi apo akarova muroja wake uyo anove n’anga asina kupfeka sechirango chekuridza mimhanzi zvine ruzha rwakanyanyisa apo iye aive pakati pekuitisa svondo.

Mufundisi uye muvambi wechechi yeTsime Rase Birthsider, Pastor Khumbulani Mzizi, uyo aiitisa chechi pamba pake, akarova Sikhululiwe Dube apo airidza mimhanzi zvine ruzha pawairesi yake.

Zvinonzi Mzizi paaiita svondo kumba kwake, Dube akatanga kuridza mimhanzi zvine ruzha.

Izvi hazvina kufadza mufundisi uyu, ndokutanga kupomera Dube mhosva yekumuvhiringa iye neveungano rake vari pakati pekunamata.

Mzizi akaudza Dube kuti adzikise ruzha rwewairesi yake asi akaramba.

Nehasha, Mzizi akabva apinda mumba maDube, ndokumuwana ari musvo, achibva amuzvambaradza kumurova nezishamhu.

Haana kugumira ipapo, sezvo akabva adzipa Dube ndokumurova nezvibhakera pahuma.

Dube akashevedzera achida rubatsiro apo akazonunurwa nemuvakidzani wavo.

Akakuvara nekuda kwekurohwa uku uye akazomhan’ara paMzilikazi Police Station izvo zvakazoita kuti Mzizi asungwe.

Mzizi akamiswa pamberi pemutongi wedare reBulawayo Magistrates Court, VaTemba Chimiso, achipomerwa mhosva yekurova.

Anobvuma mhosva yake.

Mutongi akamutemera chirango chekubvisa faindi yeUS$200 kusvika musi wa30 Gunyana usati wadarika uye kukundikana kwake achazogara mujeri kwemwedzi mitatu.

Pamusoro pezvo, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu iyo yakazosendekwa yose parutivi paine chitsidzo chekuti asapara mhosva yakadai mukati memakore mashanu anotevera.

Mukumupa mutongo uyu, VaChimiso vakacherechedza kuti Mzizi aiva apara mhosva kekutanga uye haana kutambisa nguva yedare apo akabvuma mhosva yake achiti akakumbirawo ruregerero nekusazvibata kwake.

Izvi zvakaitikawo mushure mekunge Mzizi audza dare kuti ane mhuri uye anoriritira vana vana (4).

Zvisinei, mutongi akamutsiura achiti akaita zvakaipa apo akarova mudzimai asingakwanise kuzvidzivirira netsvimbo uye nekuda kwaizvozvo anofanira kurangwa.

VaChimiso vakati ibasa rematare edzimhosva kuchengetedza kodzero dzevanhu vari panjodzi yekushungurudzwa nevanhurume.

Vakati Mzizi “akanunurwa” nekuda kwekuti hakuna magwaro ekwachiremba anoratidza kuti Dube akakuvara zvakadii akaburitswa mudare sezvo akaramba kuenda kuchipatara achiti chitendero chake hachimubvumidze kunorapwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey