Pasuwa, Zuze dhuma!

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Pasuwa, Zuze dhuma!

Kwayedza

MANEJA weDynamos FC, Richard Chihoro, anoti havazi kuzotarisira pasi mutambo wavo neTriangle wefainari yeOne Wallet Cup nemusi weSvondo kuNational Sports Stadium sezvo mitambo yemikombe yakasiyana neyeligi nekudaro vanotofanira kutosunga dzisimbe sezvo chikwata chimwe nechimwe chinenge chichida kuhwinha mari.

Zvikwata zviviri izvi zvichange zvichitatsurana mumutambo uyu apo chichakunda chichahwiniswa mari inosvika US$80 000 pamwe nemukombe kozoti chichakundwa musi uyu hachizoende chiri mawoko chete sezvo chichapihwawo US$50 000 kubva kuvakotsveri vemutambo uyu.

Dynamos yakapinda mufainari yemutambo uyu zvichitevera kukunda kwayakaita How Mine 2-0 musemi-fainari iyo yakatambirwa kuMandava Stadium kuZvishavane mwedzi wadarika.

Triangle yakahwinawo tikiti mufainari apo payakaundura Chicken Inn 5-3 pamapena mushure mekunge mutambo uyu wapera ari mangange 0-0.

Zvakadaro, Chihoro svondo rino akati DeMbare iri kutya kuvhiringidzwa neTriangle apo vachasangana nayo sezvo mitambo yemikombe iyi yakasiyana neyeligi apo zvikwata zvakaita seTriangle zvinomuka chibhebhenenga.

DeMbare parizvino iri kuita gadziriro dzayo isina murairidzi wayo Callisto Pasuwa uyo akaenda kuEgypt uko ari kuita zvidzidzo zveCAF uye anotarisirwa kudzoka pakupera kwesvondo rino.

Chihoro anoti kuenda kwaPasuwa kuEgypt hakudzorere basa rechikwata kumashure sezvo vatevedzeri vake vari kufambisa basa sebasa.

“Fainari yauya asi mutambo uyu wakaoma zvikuru sezvo mitambo yemikombe yakasiyana neyeligi.

“Unotofanirwa kusunga dzisimbe kuti uhwine nekuti zvikwata zvese zvinenge zvichida mari asi isu hedu Triangle tichazongoirakidzawo kuti tisu vakomana vahombe.

“Kusavapo kwaPasuwa hakuna zvakunoreva zvakanyanya sezvo vatevedzeri vake varipo uye vari kumhanyisa basa sebasa,” akadaro Chihoro.

Chihoro akaenderera mberi ndokuti mutambi wavo uyo ange akakuvara Masimba Mambare haasi kuzotamba svondo rino nekuti haasati asimba zvekusvika pakutamba nhabvu yepamusoro iyo yaanozivikanwa achitamba.

“Mambare tinofara hedu kuti akapora ave kukwanisa kutamba nhabvu asi haasi kutamba svondo rino sezvo asati ave kukwanisa kutamba zvemhando yepamusoro izvo anozivikanwa achiita kubva kare.

“Hatidi kumumhanyisa kutamba, tiri kumupa nguva yake yekupora yakakwana,” akadaro Chihoro.

Kune rimwe divi, murairidzi weTriangle FC, Biggie Zuze, akatsika madziro achitya kutaura nemutori wenhau uno achiti haana mvumo yekutaura.

“Ndabva mumusangano nevakuru vechikwata ndanzi ndisataure nevatori venhau parizvino.

Kana muchida zvekutaura neni chizondityaira nharembozha musi weChina kana Chishanu izvezvi handina nzira yandinokwanisa kukubatsirai nayo,” akadaro Zuze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey