Uncategorized

Pfambi pamubhedha wababa

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gabriel Singano

PANE mwanakomana anonzi haana matyira zvekuti anosvika pakushinha nepfambi pamubhedha wababa vake izvo zvakaita kuti vamuendese kudare redzimhosva.Raymond Mwale akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court kuti akandiswa mapfumo pasi nehunhu hwemwana wake, John Mwale.

“Chikumbiro changu ndechekuti mundidzivisewo pamwana uyu anova ndiye mukomana mukuru. Ini ndinogara kubasa saka mwana wangu pandinomutsiura hunhu hwake anondityisidzira pamwe nekundituka. Nguva nenguva anogara achiti imba ndeyaamai vavo vakashaya kare asi vari vana vedu vatakabereka tose nemudzimai wangu.

“Chandaramba kushandisa imba yangu yandairara naamai vavo iye otiza yomudzimai wake achishandisa yangu nepfambi!” akadaro Raymond.

John akati haashandise imba yababa vake yekurara nepfambi asi kuti akangoisa midziyo yake, kusanganisira mubhedha waakange asisashandise.

Akaenderera mberi achiti baba vake havadi kuti arambe achigara pamba apa saka vakamumhan’arira kudare iri nzira yokuda kuti abve.

“Ini ndakangoisa mubhedha wangu mumba mababa sezvo imba yavo haichina anoishandisa nekuda kwokuti baba vanogara kubasa. Baba vari kungotsvaga nzira yekutibvisa pamba asi ini handina kwokuenda nekuti handishande,” akadaro John.

John akati haana kana zuva rimwe chete raakambotuka baba vake uye haapokane nechikumbiro chavo kudare.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Raymond ndokuti kana achida kuti John abve pamba pake anofanira kutevedzera zvinodiwa nemutemo panyaya dzakadai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey