Podolski haasi kudzokera kuCologne

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weArsenal Lukas Podolski haasi kuzodzokera kuFC Cologne kana azofunga zvekubva kuLondon muna Ndira, sekutaura kwaJorg Schmadkte chamangwiza wechikwata ichi. Podolski (29), uyo akahwina mukombe weWorld Cup neGermany, haasi kufara nekushaiswa mikana yekutamba nhabvu mwaka wegore rino namaneja wake Arsene Wenger.

Svondo radarika apo paaitambira nyika yake, akagunun’una zvikuru uye ndokutsigirwa naJoachim Low, murairidzi weGermany.
Low akati Podolski anofanirwa kufunga zvakadzama nezveramangwana rake kuburikidza nekutamba kakawanda.

Mutambi weArsenal uyu zvinonzi ari kudiwa nezvikwata zvakawanda zvekuItaly pamwe neGalatasaray yekuTurkey. Musi weMugovera, Schalke yakati haisi kuzotenga Podolski uye neChipiri, Cologne iyo yaakatambira, ikabuda pachena kuti haisi kuzomutenga zvakare.

Mashoko ari kubuda kubva kuGermany anoti Wenger achatendera Podolski kuenda kana pakaita chikwata chinokwanisa kubhadhara 5 miriyoni euros, asi zvinonzi chizvarwa chekuFrance ichi chinoti Podolski hapana kwaari kuenda sezvo Cologne isingakwanise kubhadhara mari iyi.
“Takatsanangura patimire isu, uye ndinofunga kuti Podolski anozvionawo zvekare,” akadaro Schmadkte. “Hatina 5 miriyoni euros isu uye hatikwanise kumutenga pamwe nekumubhadhara iye mari yaanenge achida, Podolski mutambi mukuru.”

Mutungamiri weCologne, Werner Spinner, akawedzera kuti chikwata chavo chinotya kuti chikadzora Podolski zvinogona kukonzera nyonga-nyonga.

“Zvinogona kutinetsa kuti tomutambisa sei, sezvo mutambi wemhando yepamusoro uyo akwanisa kutambira nyika yake ka121 uye ari kutamba mumutambo weChampions League kuArsenal,” akadaro. — ESPN.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey