Uncategorized

‘Prophet Madungwe penga mushe’

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Prophet Madungwe penga mushe’

Kwayedza

MAMWE maporofita ari kushora zvikuru muporofita wekuti akaenda kudenga kaviri akaita musangano naMwari uyo ari kuti zvakare Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino.

Prophet Talent Madungwe (30) wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iyo iri mumusha weSunningdale, muHarare, svondo rapera akaudza Kwayedza kuti nguva yadarika akashanyirwa nengirozi ikamuudza kuti Mwari mbune vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru.

Izvi zvaitevera mamwe mashoko akambotaurwa naProphet Madungwe kubepanhau rino kuti vakanoita musangano kudenga naMwari kanokwana kaviri.

Muporofita weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku, Madzibaba Passmore Chinovava vekuMt Hampden, vanoti murume uyu ari kutsvaga mbiri chete nekunyepera vanhu.

Verenge nyaya iyi zvakare:

‘Muporofita Madungwe tamba nezvimwe’

“Ndiye mumwe wevaye vemanyepo, hakuna munhu anokwanisa kunoita musangano naMwari. Ivo vanhu vanoenda kuchechi kwake vanorwarawo, ngavasiyane naye,” vanodaro.

Vakakurudzira hama dzaProphet Madungwe kuti dziende naye kwachiremba anoongororwa pfungwa.

Mashoko avo akatsinhirwa naProphet Susan Dube (53), vechechi yeHoly Baptise Apostolic Church Christ vekuSally Mugabe Heights, kuDomboshava, avo vanoshora Madungwe vachiti ane chinangwa chehutsotsi.

“Murume uyu ari kutsvaga mbiri chete, vanhu ngavamungwarire. Hakuna munhu mupenyu anosangana naMwari, chatinoona isu ingirozi chete. Regai nditaurire murume uyu kuti achatongwa chete,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe (37) vechechi yeJohane Masowe weChishanu vanotiwo Prophet Madungwe ngaarege kurasisa vanhu nenhema.

“Ngaarambidzwe kuramba achiparidza mashoko enhema nekuti achataura zvimwe zvinodarika apa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey