PSL: SHASHA PAKUKOCHA

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
PSL: SHASHA PAKUKOCHA

Kwayedza

  • Vamwe voti Pasuwa, Rugg naChidzambwa

NYANZVI dzinoongorora mutambo wenhabvu svondo rino dzakadoma varairidzi vakaita saCallisto Pasuwa, Charles Muhlauri naJohn Rugg, pakati pevamwe, seavo vanonzi ndivo vakabata basa guru muPremier Soccer League kuzvikwata zvavairairidza kubva mugore ra1980.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vaongorori venhabvu vanoti Spencer Banda, John “JP” Phiri naZivanai “Man Zifa” Chiyangwa.

Banda, uyo vazhinji vanoziva achishamarara panhepfenyuro yeStar FM apo anenge achiongorora mitambo, anoti basa rekurairidza nhabvu muPSL iguru uye rinoda hushingi.

Anoti varairidzi vashanu vaanoona kuti ndivo vakabata basa rinoonekwa muPSL ndiPasuwa, Mhlauri, Eddie May, Luke Masomere naJoey Antipas.

Sekuona kwake:

1) Callisto Pasuwa: King Callisto akanyora nhorowondo inodadisa zvichitevera kuhwina kwaakaita mukombe wePSL kwemakore mana akatevedzana ari kuDynamos. Kubva 1980, ndiye akatora mukombe uyu kakawanda kudarika vamwe vose. Kunze kwemitambo yePSL, Pasuwa akakwanisa kuhwina mimwe mikombe yakaita seMbada Diamond Cup. Pasuwa akazvipira mubasa rake uye anogona kuronga chikwata chake.

2) Charles Mhlauri: Mhlauri akakwanisa kutora mukombe wePSL kaviri neCAPS United pamwe nemimwe mikombe yakawanda. Kubva paakabva kuKepekepe mugore ra2005 apo payakapedzisira kuhwina, haisati yabudirira zvakare. Mugore ra2004 apo airaridza Kepekepe akahwina mikombe mitatu inoti PSL, Buddie Challenge Cup neZifa Unity Cup. Mhlauri akamborairidza zvekare Amazulu kuSouth Africa uko kwaakazohwina mubairo waCoach of the Year.

3) Eddie May: May akaenda kuBosso panguva iyo yaipisa zvikuru uye akakwanisa kuhwina mukombe wePSL kaviri nemimwe mikombe pamusoro.

4) Luke Masomere: Vahombe anozivikanwa achisimudzira zvikwata zvinenge zvichitatarika zvichizohwina mikombe. Panguva yaakarairidza Masvingo United yakange yave kuzivikanwa semaCup Kings nekuhwapura kwayaiita mikombe.

5) Joey Antipas: Mafero akatora mikombe yakawanda inosanganisira yePSL neMotor Action isati yaburitswa muPSL makore adarika. Pari zvino ari kurairidza Chicken Inn iyo iri kutamba zvinodakadza.

Kunyangwe zvazvo varairidzi ava vari ivo vashanu vakadomwa naBanda, anoti vamwe vakaita saNorman Mapeza, Lloyd Chitembwe naNation Dube vari kusimukira zvikuru. Anotiwo Moses “Bambo” Chunga ishasha pakuumba tarenda revechidiki.

“Bambo ishasha pakubika tarenda revechidiki vari kusimukira munhabvu. Ndinoona sekunge anofanirwa kupihwa basa rekungoshanda nevechidiki nekuti vatambi vazhinji vakapfuura nemumawoko ake, nanhasi vanotamba nhabvu inofadza,” anodaro Banda.

Chiyangwa, uyo anove sachigaro weZimbabwe Junior Soccer League, anoti varairidzi vakadadisa muPSL ndiMick Pool, Sheperd Murape, Barry Daka, Paul Moyo naRugg.

1) Mick Pool: Pool akarairidza Dynamos neArcadia uye akahwina mikombe yakawanda nezvikwata zviviri izvi.

2) Shepherd Murape: Murape akaita zvinorova muna 1984 apo akahwina mukombe weligi neBlack Rhinos mugore

rayo rekutanga kupinda muPSL nevatambi vakaita saJaphet Muparutsa naStanley Ndunduma. Murape akamborairidza DeMbare zvekare akahwina mukombe wePSL kaviri pamwe nemimwe.

3) Barry Daka: Daka akaumba Highlanders ikatamba nhabvu inodakadza zvikuru ndokuhwinha mimwe mikombe zvakare. Akahwinawo mukombe weSuper Cup achirairidza Super Sonic iyo yaive muDivision One.

4) Paul Moyo: KuRedcliff kwaisabudika zvekumhanya uko kwaitambirwa neRiscosteel iyo yakazenge yave kuzivikanwa seZiscosteel. Moyo akaumba Riscosteel zvekuti kana DeMbare chaiyo yaifema payaisangana nayo.

5) John Rugg: Rugg anoremekedzwa zvikuru munyaya dzenhabvu muZimbabwe nekuti akabika vatambi vakaita saRaphael Phiri, John Phiri, Ephat “Mamuma” Lungu, Byron Emmanuel naGrahama Boyle. Chikwata chaRugg cheRio Tinto chaipisa uye mitambo yacho neDynamos yainakidza zvikuru.

“Taitoziva kuti DeMbare kana ichitamba neRio Tinto tinofanirwa kuenda kunhandare nekukurumidza nekuti kwaizara,” anodaro Chiyangwa.

Chiyangwa anoti panguva yakarairidzwa nhabvu nevarairidzi vaadoma ava, nhabvu yemuno yainakidza zvikuru uye vatambi vacho vainge vakazvipira kwete zvave kuitwa nevemazuva ano.

“Makore ano zvasiyana nekuti vatambi vanokoshesa mari chete, havana kuzvipira mumutambo,” anodaro Chiyangwa.

John Phiri, uyo akambotamba nhabvu kare uye pari zvino ave kuZifa, anoti zvakaoma kudoma varairidzi vashanu chete nekuti vakawanda vakaita zvinorova kuzvikwata zvavo zvakasiyana. Anoti varairidzi vashanu vaanoona sevakaita basa sebasa muPSL ndiRugg, Sheperd Murape, Peter Nyama, Sunday Marimo-Chidzambwa, Pasuwa naMhlauri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey