Uncategorized

Psmas pfee neShield Plan

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

SANGANO rePremier Service Medical Aid Society (PSMAS) raparura chirongwa chakareruka pamutengo asi chichisiya vanhu vachinyemwerera nemufaro. Chichidaidzwa kuti Shield Plan, chirongwa ichi chine mitengo yekurapwa iri pasi nedonzvo rekubatsira vanhu vanoshanda vakazvimiririra.

Izvi zvinotevera makore akawanda PSMAS ichiita ongororo, ndokuona zvakakosha kuti itange chirongwa ichi.

Zvisati zvakamboitwa, Shield Plan inoita kuti munhu abhadhare $10 chete chete pamwedzi asi achizowana rubatsiro rwunomugutsa. Kuva nhengo yeShield Plan zvakanakira kuti unokwanisa kuwana rubatsiro rwekurapwa rwunokosha $3 000 pagore, izvo zvisingaitwe nyore kana wakatarisa mari inobhadharwa nemunhu.

Shield Plan inowanisa nhengo zvinotevera:

◆ Kuona chiremba

◆ Nyanzvi dzinorapa

◆ Kupihwa mubhedha

◆ Kuitiswa mitambo inosimbisa muviri

◆ Kunyorerwa mishonga

◆ Kurapwa mazino

◆ Kuvhenekwa nemichina (refraction)

◆ Kurapwa maziso

◆ Kusunungutswa pamuviri

◆ Kutorwa maX-ray

◆ Kubatsirwa pahurwere hwepfungwa (psychiatric service)

◆ Kuwanisa maamburenzi anotakura varwere

nezvimwe zvakawanda.

PSMAS inoterera nhuna dzenhengo dzayo, naizvozvo iripo kugutsa zvido zvevanhu uye kuvandudza mashandiro ayo.

PSMAS yatora nguva refu ichiteerera zvinodiwa nenhengo dzayo nekudaro yave kuita zvido zveruzhinji kuti vabatsirikane.

Chinangwa ndechekuti PSMAS idzokere pakuva nehwaro hwakasimba uye husingagede-gede zvichibva pamushandirapamwe, kutaurirana, kuzvipira nekuvimbika

PSMAS ichave nevanhu vayo mumigwagwa yemuHarare uye ichaparurazve FlexiHealth, chinova chikamu cheShield Plan, pamwe chete nePremier Lifestyle wellness programme.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey