Uncategorized

Rachel, usaise make-up yemadzihwa

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

HANDIZIVE kuti wakapinda basa rako sei, asi ufunge Rachel vanhu vari kukutaura. Ndinozviziva kuti mabasa mazuva ano ari kunetsa zvekuti vamwe vari kupinda nemisangano, vamwe nehukama, vamwe nekubhadhara uyewo vamwe nechizivano.

Ini handizive kuti iwe wakapinda sei, asi zvandanzwa zviri kuratidza kuti hauna kupinda nepamusiwo kana nenzira inopinda nayo vamwe.

Ufunge zvako Rachel, ndakanzwa vakuru vaviri vekubasa kwako vachiita zvekunakura zita rako semunhu ari kunakurira panze datya rapinda mumba. Mukuru wekutanga akati, “Asvika munhu wenyu, tamuona.”

Mumwe akati, “Aaa, munhu wangu? Handina munhu akadaro ini. Munhu uye handitoziva kuti akauya sei kuzoshanda nesu. Takangomupihwawo, asi kutaura chokwadi isu kuDepartment kwedu takakwana, hatisi kuda mumwe munhu and besides, haana chaanoziva munhu iyeye and I don’t want her.”

“Zvino kana mukamurasirawo kwatiri munoda kuti tiite seiwo naye?”

“Handizive kuti muchaita sei naye, asi ini kuDepartment kwangu hatina nzvimbo yake.”

“Isu takangomupihwawo achinzi ashande nemi.”

“Aaa, kubva vachaona kuti vomuisa kupi vakuru vacho vakamuunza, asi kwedu please musamudzose.

“Handisati ndamboona bhini rakazara marara rakangogara pariri ipapo richimirira kuzongosimudzwa. Dai vanorasa marara vakarirasa zvese nemarara aro nekuti hakuna bhini rakadaro.”

Rachel, pane kupinda basa kunonyadzisa.

Zviri pachena kuti vawakanga wanzi ushande navo havatoziva kuti wakabva nekupi. Havazive kuti wakaita interview here kana kuti kwete. Wakangoerekana watumirwa kwavari.

Ufunge zvako, ungadai uine weave yako yakanaka inomecha nekahendibhegi kako, asi basa haripindwe nemushikashika. Kungoerekana wati pfee, usina chaunoziva, usina kuitwa interview. Zvinonyadza.

Zvinonyadzisa iwe nemunhu wako akakupinza basa. Asi kunze kwekunyadzisa, ndizvo zviri kuuraya nyika. Kana usina chaunoziva, usina experience, handifunge kuti kana chikoro chinodiwa pabasa pacho unacho.

Kurambwa kwawakaitwa nevakuru vawakanzi unoshanda navo kunosemesa. Nhamo nehurovha zvinorwadza, asi kupinda basa kwawakaita kunobvisa chimiro. Kana nesu tinokuona tinenge tave kutofunga kuti wakabvisa hembe nehunhu hwako kuti upinde basa iroro.

Nyaya yako Rachel inondifungisa patasvika senyika. Kana tikanyatsoda kutsvaga vanhu vakadzidzira, vane ruzivo chairwo rwekushanda basa, vanhu vazhinji muZimbabwe havakodzere kunge vari pamabasa avo.

Pane mweya wekushaya nyadzi, humbimbindoga nekusazvidzora watekeshera. Mweya iwoyo unopa vanhu kuti vave pavasingakodzere kuve, asi vachiuraya nyika. Unogona zvako kuwana mari pachatambira vamwe, asi chokwadi chiripo ndechekuti uri kuba Rachel.

Nhamo yavepo yave yekuti vanhu vari kushaya kuti vokuisa pai mukambani. Asi chokwadi chaicho iwe nevari kukuramba munochiziva.

Chokwadi chiripo ndechekuti iwe Rachel haufanirwe kunge uri pakambani iyi. Chokwadi ndechekuti uri chikwekwe, chipfukuto, gomarara nembavha.

Kana vari sekuru vako vakati muzukuru huya kubasa, enda unovaudza kuti mashandiro amuri kuda kuti ndiite anoshanda kumunda kwenyu, kwete mukambani huru yehurumende.

Huwori kutungidza moto unopisa nyika. Vanoona huwori huchiitika vachiramba vakanyarara naivowo vane huwori. Rachel handibvume kuti wakaipa sekutaurwa kwazviri kuitwa. Usarege runako rwuri mauri rwuchimharwa nenhunzi.

Rachel, usaise make-up yemadzihwa, usadyire sadza muBlair toilet yekuseri kwemaShops epaGrowth Point.

Mwari vanobvunza kuti, “Munhu achagobatsirwa nei kana awana nyika yese, asi orasikirwa nehupenyu hwake?”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey