Uncategorized

Rasa marara, kwete mukana

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
MARI ngairasike, asi munhu arege kurasika. Rasa marara mubhini, asi usarase mukana. Mwana wemuzukuru wangu akafa svondo rakapera, uye akafa ari mudiki kwazvo. Akanga ane makore 25 chete.

Ndakamunzwira tsitsi afa kudaro, nekuti akatambisa hupenyu hwake. Vabereki, dzidzisai vana kuti hupenyu hausi mumafoni anoenda paWhatsApp.

Mafoni aya zvirauro zvaSatani, uye zvinhu zvinotumirwa pamafoni aya ndidzo nyongorosi dzekutibata nadzo isu zvituta zvevanhu.

Mwana wemuzukuru wangu akanga afirwa nevabereki vake vese.

Akasiiwa achigara naambuya, amai vababa vake. Mukomana aidiwa naambuya vake zvisingaite iyeye.

Ambuya vakanga vakataurira vana vavo vese kuti mombe, mbudzi, huku nemusha wavo zvakanga zviri zvemuzukuru azofa uyu. Asi mufunge, ambuya vakafa mukomana akasara pamusha ega.

Asi nekuda hupenyu hwemagetsi hunonyiminya kunge muto wehuku muhari, mukomana akangosiya musha akaenda kuHarare. KuHarare akanga achingofamba muhama asina kana chinangwa.

Ndakamuudza kuti adzokere kumusha sezvo akasiirwa pfuma, asi akaramba nekuti aida magetsi, foni inoenda paWhatsApp, uyewo aida kuenda kuSouth Africa.

Mwana wemuzukuru wangu akaramba musha, huku, mbudzi, mombe, magejo nezvimwe zvakawanda zvekushandisa pamusha, achida hupenyu hwekubaya, kutsvaira nekuyeva foni.

Vabereki, udzai vana chokwadi chinovayamura. Hukama hwepamafoni hausi hukama. Kuseka kwepamafoni kwetwudhori kurasikirwa. Kuseka kwekuti kikikiki kuseka kwegonzo rakaona katsi ichiverenga bhuku rekudzidzira kuteya mariva.

Ndinofarira zvidzidzo zvatinodzidziswa nemhuka pakuvhima nekuvhimwa kwadzo musango.

Muvhimi anogona kupedzisira ave ndiye ari kuvhimwa. Kufanana nenyaya yeshumba yakanga yasakara nenzara zvekuti yakatomboedza kudya huswa musango, asi ikatadza kuhudimura nekuhutsenga nekuti hwakanga hwaoma.

Ichida kudya huswa kudaro, yakabva yaona chitototo chakanga chichifamba. Shumba yakati zvinhu zviyedzwa, chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto. Yakabata chitototo chiye ndokukanda mukanwa.

Asi pasina nguva yakachisvipa nekuti chitototo pachakabatwa chakaburitsa mvura inokora zvekuti shumba yakaita semunhu adya damba mbishi.

Zvadaro, shumba yakaenda ikanozvipfekera mumumvuri wegwenzi raive pedyo. Shumba yakavhara maziso ichifunga. Yakabva yanzwa kuti chwa chwa muhuswa. Yakatarisa ikaona tsoko yaive nemwana. Shumba haina kupedza nguva, yakabva yangoti svetu kuti ibate tsoko, asi tsoko yakakurumidza kusvetukira mumuti waive pedyo.

Shumba yakabva yakwirawo mumuti ichitevera tsoko. Tsoko yakakwira kuenda kudenga kwemuti, asi shumba haina kuzviitira hany’a. Yakaramba ichikwira kumusoro kuti ibate tsoko. Shumba yakapedzisira yave pedyo kwazvo netsoko. Asi kumapazi ekumusoro-soro, muti wakanga wave kuremerwa neshumba netsoko.

Shumba yakati inhanhire kunobata tsoko, tsoko ichibva yatsvedza. Pakatsvedza tsoko, shumba yakabva yakoromoka. Asi tsoko haina kunowira pasi, nekuti mashura kuti tsoko idonhe mumuti. Yakabatira pane kamwe kapazi, ichibva yakwira kudzokera kumusoro-soro kwemuti.

Shumba payakadonha, haina kunge yabatira pamapazi kuti isawe. Saka shumba yakanoti pasi dhi, ichibva yamboti zii nekuti yakanga yaneta, uye yapedza simba rayo ichitevera tsoko mumuti.

Inguva zhinji vanhu dzatinomhanyira zvatisingagone.

Kufanana neshumba yakatambisa simba nenguva ichitandanisa nekutevera tsoko mumuti. Zvimwe zvinhu zvinodarika hupenzi.

Tsoko ndeyemumuti, inogona kurara mumuti, inogona kugara pakabazi kakatetepa sechigunwe, asi haidonhe. Kukwira mumuti kweshumba kupererwa, asi kana uchipererwa zvekusvika pakuita zvisingabhadhare, uri kuitei nehupenyu hwako?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey