Real Stars yaenda nemukombe

04 Jul, 2023 - 11:07 0 Views
Real Stars yaenda nemukombe Chikwata cheReal Stars chichisimudza mukombe weKuyamurana Furniture uyo wachakahwina svondo radarika.

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA cheReal Stars Mbare ndicho chakasimudza mukombe weKuyamurana Furniture Under-12 Birthday Celebrations zvichitevera kukunda kwachakaita chePower Academy 2-1 mufainari yainakidza kukunda ngoma kurira.

Mutambo uyu waive nezvikwata 12 zvakabva kunzvimbo dzinosanganisira Mbare, Budiriro, Glen View, Glen Norah neHighfield.

Murwendo rwavo rwekuenda kufainari, Real Stars yakasangana nezvikwata zvinosanganisira Bright Stars, Budiriro Stars, Super neEagles izvo zvavaive muboka rimwe chete.

Musemi-final yakasangana neSuper Eagles ikairova 3-1 ndokufambira mberi kuenda kufainari uko yakazonokunda Power Academy ndokusimudza mukombe uyu.

Murairidzi weReal Stars – Stanley Kavayi – anoti mutambo yevechidiki iyi iri kubatsira zvikuru kubika vatambi venhabvu pamwe chee nekuvarongera remangwana rakajeka munhabvu.

“Tinopa kutenda kukuru kune varongi vemutambo uyu veKuyamurana, nekuti mitambo iyi yakakosha zvikuru uye iri kubatsira kubika vatambi vemangwana.

“Tadzidza zvakawanda nemutambo uyu tichiona matambiro ange achiita vatambi vedu patinoda kugadzirisa nepatange tichigona,” akadaro Kavayi.

Varongi vemutambo uyu veKuyamurana Furniture vanoti mutambo uyu wakabatsira donzvo ravo ravari kufamba naro rekusimudzira vechidiki pamwe nekuvabvisa mune zvinodhaka.

Mutungamiri wekuKuyamurana – Munyaradzi Taundi – anoti munharaunda dzakasiyana kune vana vakawanda vane zvipo zvekutamba nhabvu asi vari kukanganiswa nekuda kwezvinodhaka, saka vakatora chikamu chekurwisa zvinodhaka pamwe nekusimudzira tarenda revatambi.

“Isu takazvipira mukusimudzira vana matarenda avo kubva kumazera echidiki aya. Vana vachiri vadiki kudai ndipo pavanodzidziswa upenyu chaiho voziviswa zvakanaka nezvakashata zvinovabatsira mune remangwana.

“Saka isu tichashanda zvakasimba nevarairidzi venhabvu vezvikwata zvevechidiki togara tichironga mitambo yakawanda yekusimudzira vechidiki,” anodaro Taundi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey